bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Timothy 1
1 Timothy 1
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 2 →
1
Ndini Pauro mupositori waKristu Jesu sokutemwa kwazvakaitwa naMwari mununuri wedu uye naKristu Jesu, tariro yedu,
2
ndinokunyorera iwe Timoti mwana wangu chaiye muchitendero. Dai Mwari Baba naKristu Jesu Tenzi wedu akukomborera nenyasha nengoni norugare.
3
Sokukukurudzira kwandakaita pandakanga ndichienda kuMasedhonia, ramba uri kuEfeso kuti uudze vamwe vanhu kuti varege kukudzidzisa zvidzidziso zvisina akambodzidzisa;
4
kana kudzidzisa ngano dzisina kwadzo nemirongorongo yamazita amadzitateguru nehurukuro dzisina kwadzinosvitsa panze pezvinangwa zvaMwari zviri muchitendero.
5
Asi icho chinangwa chebasa redu ndecherudo runobva mumwoyo wakanaka nehana yakachena nechitendero chisina unyengedzi.
6
Vamwe vanhu vakazotetereka pamusana pokutsauka pazviri vopinda muhurukuro dzisina maturo
7
vachida kuva vadzidzisi voMutemo asi vasinganzwisi zvavanotaura kana kuziva zvinhu zvacho zvavanenge vachitaura nezvazvo.
8
Zvino chatinoziva ndechokuti mutemo wakanaka kana ukausevenzesa zviri pamutemo.
9
Asi chatinozivawo ndechokuti mutemo hauisirwi vakarurama asi unoisirwa vanhu vasina mutemo nenhubu navasina Mwari navatadzi, navasinei naMwari navanhu vasina matyira nezvinhu zvinoera nemhondi dzinouraya madzibaba
10
nemhondi dzinouraya amai navanouraya vanhu navanoita upombwe uyewo ngochani namatasvuramwoyo navarevi venhema navanopika zvenhema navanoita zvinopesana nechidzidziso chechokwadi
11
maererano neShoko Rakanaka rembiri raMwari wamakomborero rakaiswa mumaoko mangu.
12
Ndinotenda Kristu Jesu Tenzi wedu akandipa simba rokuita izvi. Kundisarudza kwaakaita mubasa rake kuona kwaakaita kutendeka kwangu.
13
Kunyange pakutanga ndakambomushonha ndikamutambudza ndikamutuka asi ndakaitirwa tsitsi nokuti ndakazviita mukusaziva nomukusatenda.
14
Nyasha dzaTenzi dzakawodzvorerwa pandiri nokutenda norudo rwatinarwo muna Kristu Jesu.
15
Ishoko rinotendeseka uye rinokodzera kunyatsogamuchirwa rokuti Kristu Jesu akauya panyika kuzoponesa vatadzi. Ini ndini mutadzi mukuru wacho.
16
Asi ndakaitirwa tsitsi kuti mandiri somukuru mukuru wacho, Jesu Kristu aonese mwoyo murefu wake wakazara somuenzaniso kuna vakanga vachizodavira maari kuitira upenyu husingaperi.
17
Kukudzwa uye mbiri ngazvipiwe kuna Mambo wapasichigare narini narini kuna iye asingafi asingaoneki, anongova ndiye Mwari oga. Ameni.
18
Zvakatemwa izvi ndinozviturira mumaoko mako itwe Timoti, mwanangu, maererano nezvakaporofitwa zvakanga zvakananga iwe, kuti unyatsorwisa uchifemerwa naizvozvo,
19
urambe wakabatisisa chitendero uye uine hana yakachena. Vamwe vanhu vakaramba kuteerera hana dzavo vakaparadza chitendero chavo.
20
Vamwe vavo ndavana Humenaosi naArekizanda vandakaturira kuna Satani kuti vadzidze kusashonha Mwari.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6