bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Timothy 2
1 Timothy 2
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 3 →
1
Nokudaro pokutanga ndinokurudzira kuti mikumbiro neminamato nezvichemo nokutenda zviitirwe vanhu vose vanoti:
2
madzimambo navose vari pazvinzvimbo zvapamusoro kuti tigare upenyu hune runyararo norugare, upenyu huna Mwari mukati uye hunoremekedzwa mativi ose.
3
Izvi zvakanaka uye zvinogamuchirika pamberi paMwari noMununuri wedu
4
anoda kuti munhu wose aponeswe uye kuti azive chokwadi.
5
Nokuti kuna Mwari mumwechete uye kuno munhu mumwechete anobatanidza isu vanhu naMwari, munhu iyeyo ndiJesu Kristu.
6
Akazvipira kuti ave chokutinunura nacho tose. Izvi zvakazopupurirwawo panguva yazvo.
7
Izvozvi ndizvo zvandakasarudzirwa kuti ndive muparidzi nomupositori nomudzidzisi wevechirudzi muchitendero nomuchokwadi. Ndiri kutaura chokwadi handisi kureva nhema.
8
Munzvimbo dzose ndinoda kuti varume vanamate vakasimudza maoko matsvene vasina hasha kana gakava
9
uye kuti vakadzi vazvishongedze zvine mwero zvino hunhu vaine hanzu dzine chimiro vasingagadziri vhudzi ravo zvokunanisira kana kurishongedza nendarama kana namatombo anokosha amapera kana hanzu dzinodhura
10
asi zvishongo zvavo ngazvive mabasa akanaka sezvinokodzerana navakadzi vanotya Mwari.
11
Mukadzi ngaadzidze chinyararire nokuzvidukupisa kose.
12
Handibvumiri mukadzi kudzidzisa kana kuva nesimba pamusoro pomurume; anofanira kunyarara
13
nokuti Adhamu ndiye akatanga kusikwa ndokuzouya Evha.
14
Adhamu haasiriye akafurirwa asi mukadzi ndiye akafurirwa akava mutadzi.
15
Mukadzi anonunurwa zvake nokubereka vana kana akaramba ari muchetendero uye aine rudo noururami.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6