bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Timothy 6
1 Timothy 6
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
1
Vose vari mujoko rouranda vanofanira kuziva kuti vatenzi vavo vanofanira kupiwa rukudzo rwose kuti zita raMwari uye chidzidziso ichochi chirege kushorwa.
2
Avo vana vatenzi vanotenda havafaniri kusaremekedzwa pamusana pokuti vave hama nehama navo asi vavakutofanira kuvashandira zviri nani nokuti ivo vanobatsirwa nezvavanoshanda vatendi uye vadikanwi. Izvi unofanira kuzvidzidzisa vanhu nokuvakurudzira kuita.
3
Kana munhu akadzidzisa zvimwewo asingawirirani namashoko ezvirokwazvo aTenzi wedu Jesu Kristu nechidzidziso chinowirirana nezvaMwari
4
anozvitutumadza nokuzvikudza, munhu asina zvaanoziva. Munhu ana kamwoyo kokuda gakava nenharo dzezvamazwi anokonzera shanje nokusawirirana namakuhwa nokufungirana kusina kana namaturo ose
5
nokukakavadzana pakati pavanhu vasina musoro vasina chokwadi vanofunga kuti kuitira Mwari basa chinhu chokuzvipfumisa nacho.
6
Hongu kuitira Mwari kunopfumisa ndokunge munhu achigutsikana nezvaanazvo
7
nokuti hatina kuuya nechinhu panyika uyewo hatikwanisi kubva nechinhu panyika
8
asi kana tiine chokudya nechokupfeka; naizvozvo tinofanira kugutsikana.
9
Asi avo vana kamwoyo kokuda kupfuma vanopinda muchiedzo nomuriva uye mukuda zvinhu zvisina maturo zvinotokuvadza zvinoisawo vazhinji mukupera basa nokuparadzwa
10
nokuti kudisisa mari ndiwo mudzi wouipi hwose. Pamusana pokukara mari ikoko vamwe vakazosiya chitendero zvikazovarwadza mumwoyo zvikuru.
11
Asi iwe munhu waMwari siyana nezvinhu izvi. Vavarira ururami, kuzvipira kuna Mwari nechitendero norudo nokuva nemwoyo mumwechete nounyoro.
12
Rwira chitendero zvakanaka uve noupenyu husingaperi hwawakadanirwa pawakapupura zvakanaka pamberi pezvapupu zvizhinji.
13
Pamberi paMwari anopa upenyu kuzvinhu zvose uye pamberi paKristu Jesu akapupura zvakanaka paumboo hwake pamberi paPontio Pirato,
14
ndinokukomeresa kuti uchengete mutemo usina kusvibiswa uye pasina chaunopomerwa kusvikira kuzviratidza kwaTenzi wedu Jesu Kristu.
15
Izvi zvichazoratidzwa panguva yakakodzera naiye wamakomborero, Mambo wamadzimambo naTenzi wavatenzi
16
iye oga chirambakusakara; asingafi anogara muchiedza chisingasvikiki; asina kumboonekwa nomunhu uye asingagoni kuonekwa. Iye ngaarumbidzwe noutongi husingaperi. Ameni.
17
Vapfumi vapasi pano, vataurire kuti varege kuzvitutumadza kana kuvimba noupfumi husina paho. Asi ngavavimbe naMwari anotifashurira zvose zvinotifadza.
18
Vanofanira kuita zvakanaka vavevo vapfumi mumabasa akanaka vanopa vachida vavewo vanamupanegombe vasingapi vachikonyodza.
19
Saizvozvo vachazvivakira ugaro hwakanaka hweramangwana ravo vachizozviwanira upenyu ihwohwo hwezvirokwazvo.
20
Iwe Timoti chengetedza zvakaiswa mumaoko mako kuti uchengete. Siyana nokutaura kusinei naMwari zvinopesana nezvinenge zvichinzi ichokwadi izvo zvisiri chokwadi.
21
Vamwe vakatevera izvozvo vakarasika gwara rechitendero. Chikomborero chenyasha ngachive nemi.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
All chapters:
1
2
3
4
5
6