bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Timothy 4
1 Timothy 4
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 5 →
1
Mweya Mutsvene anotaura pachena kuti pamazuva okupedzisira vamwe vachakanda pasi chitendero pamusana pokuteerera mweya inonyengedza nezvidzidziso zvemweya yakaipa
2
zvinodzidziswa navarevi venhema vanobata vanhu kumeso vane hana dzakadhindwa nomuchiso
3
vanoti vanhu ngavarege kuroorana varege kudya zvimwe zvokudya zvakasikwa naMwari zvinofanira kugamuchirwa nokutenda navanhu vanodavira vachiziva chokwadi.
4
Chikonzero ndechokuti chinhu chose chakasikwa naMwari, chakanaka uye hapana chinofanira kurambwa asi ngachigamuchirwewo nokutendwa
5
pakadaro chinenge chatoyereswa neShoko raMwari nomunamato.
6
Izvi ukazvidzidzisa vehama unenge wava mushandi wakanaka waKristu Jesu akapiwa chokudya chamazwi echitendero norudzidziso rwakanaka rwawakatevera.
7
Siyana nengano dzisina Mwari uye dzisina musoro. Zvidzidzise kuita zvina Mwari mukati.
8
Kuzviswatudza muviri kune basawo asi kuzviswatudza kune zvaMwari kunobatsira nenzira dzose nokuti kunotsidzira mubayiro paupenyu hwapasi pano noupenyu hwokudenga.
9
Iyi itsumo yakanaka uye inonyatsogamuchirika.
10
Izvozvi ndizvo zvatinobindukira tichishingairira nokuti chitarisiro chedu chiri muna Mwari mupenyu, mununuri wavanhu vose zvikuru avo vanotenda.
11
Unofanira kutaura uchidzidzisa zvinhu izvi.
12
Ngaparege kuva nomunhu anokushora pamusana pokuti uri muduku asi iwe iva muenzaniso wakanaka kuna vatendi mukutaura nomuzviito nomurudo nomuchitendero nomuutsvene.
13
Kusvikira ndauya, verengera vanhu Magwaro Matsvene uchiparidza uye uchidzidzisa.
14
Usarege kuita hanya nechipo chaunacho chawakapiwa nezwi rechiporofita, dare ravakuru vakuru vesangano pavakaisa maoko avo pauri.
15
Ita zvinhu izvi uzvipire mazviri kuti vose vaone kubudirira kwako.
16
Zvichenjerere iwe pachako uchichenjererawo zvaunodzidzisa. Zvibatisise izvozvo nokuti nokuita izvozvo unozviponesa iwe pachako navanokunzwa.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6