bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Timothy 5
1 Timothy 5
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 6 →
1
Usatsiure munhu mukuru zvehasha asi nyatsotaura naye sababa, varume vadiki vabate savanun'una vako,
2
vakadzi vakuru savanamai vako navakadzi vechidiki sehanzvadzi dzako pasina kana zvokumbotsaudzira mune zvoutsvene.
3
Remekedza chirikadzi, dzinenge dziri chirikadzi chechokwadi.
4
Kana chirikadzi iina vana kana vazukuru ngavatange vadzidza basa ravo savanamati ravanofanira kuita kumhuri yavo vawane zvavanodzorerawo kuvabereki vavo nokuti izvi ndizvo zvinofadza Mwari.
5
Chirikadzi chaiyo yakasiiwa ichingova yoga yoga, inotarisira kuna Mwari, inoramba ichingokumbira ichinamata siku nesikati.
6
Asi chirikadzi inoda zvokuzvifadza, ichirikadzi yakatofa iyo ichiri mhenyu.
7
Dzidzisa zvinhu izvozvi kuti dzirege kuwana chadzinoshorwa nacho.
8
Kana munhu asingachengeti hama dzake, zvikuru vemhuri yokwake, munhu akadaro atorasa chitendero chake uye akatoipa kupinda asingatendi.
9
Kana chirikadzi isati yasvitsa makore makumi matanhatu ngairege kunyoreswa zita uye inofanira kunge iri chirikadzi yakangoroorwa kamwechete.
10
Anofanira kuva munhu anopupurirwa pamusoro pamabasa ake akanaka nokurera kwaakaita vana vake anogamuchira vaenzi zvakanaka uye anoshambidza tsoka dzavatsvene achiyamura vatamburi uye ari mudzimai anofarira kuita zvakanaka nenzira dzose.
11
Asi ramba kunyoresa chirikadzi dzechidiki nokuti kana dzotadziswa kushandira Kristu nechikonzero chehavi dzadzo, dzinoda kuroorwa.
12
Saizvozvo dzobva dzazvipisa mhosva pamusana pokutyora chitsidzo chadzo chokutanga.
13
Pamusoro paizvozvo dzinodzidza kuva tsimbe dzinotevedza nedzimba, dzisiri nyope chete asi kuti vanhu vamakuhwa vanongwarira zvamashiripiti vachitaura zvavasingafaniri kutaura.
14
Nezvo ini ndinoti chirikadzi dzechidiki ngadziroorwe dzibereke vana dzichengetedze mhuri dzadzo dziregewo kupa muvengi mukana wokutaura zvakaipa nezvedu.
15
Vamwe vavo vakatotetereka vachitevera Satani.
16
Kana mukadzi mutendi ane hama chirikadzi ngaadzibatsire kuti zvirege kuremedza sangano kuti ribatsire chirikadzi chaidzo.
17
Vakuru vakuru vanotungamirira sangano zvakanaka ngavaremekedzwe zvakapetwa kaviri zvikuru avo vanoita basa rokuparidza nerokudzidzisa
18
nokuti Magwaro anoti, “Usaise mombe matomu painenge ichipura mbeswa,” uye kuti, “Mushandi anofanira kuwana mubayiro wake.”
19
Usagamuchire kuti mumwe wavakuru vakuru ane mhosva kusatoti pane umboo hwezvapupu zviviri kana zvitatu.
20
Asi kune avo vanorambirira vari muchitadzo vatsiure pamberi pavose kuti vamwe vose vatye.
21
Pamberi paMwari uye pamberi paKristu Jesu napamberi penhumwa dzakasarudzwa, ndinokukomeresa kuti uchengete mitemo iyoyi usina kwaunorerekera kana rusaruro.
22
Usamhanyirire kuisa maoko okugadza munhu kana kudziya moto wembavha muchitadzo chomumwe uye chengetedza utsvene hwako.
23
Chirega kuramba uchingonwa mvura chete asi inwa waini shoma kuitira mudumbu mako uye nokurwara rwara kwaunoita.
24
Zvitadzo zvavamwe vanhu zvinooneka pachena zvinofanotaura kuti munhu uyu anotongwa achinzii asi zvitadzo zvavamwe zvinozobuda pachena gare gare.
25
Ndizvozvowo zvina mabasa akanaka mamwe anoonekwa pachena uye kunyange aya asingaoneki pachena haagoni kuramba akangovanzika.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6