bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Amos 2
Amos 2
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 3 →
1
Zvanzi naTENZI, “Pamusana pokutadza rutatu rutatu kwenyika yeMoabhu kutosvika zvayo runa, handimborega kuiranga nokuti vakapisa zvokurotesa mapfupa amambo wokuEdhomu.
2
Nokudaro ndichatumira moto panyika yeMoabhu ugozhirimisa nhare dzeguta reKerioti dzokuzvidzivirira nadzo muhondo. VaMoabhu vachafira mukati mebongozozo iroro muruzha imomo, mabhosvo achirira.
3
Ndichapfuudza mutongi wacho mukati maro ndigouraya machinda ose omo,” ndizvo zviri kutaura TENZI.
4
Zvanzi naTENZI, “Pamusana pokutadza rutatu rutatu kwenyika yokwaJudha kutosvika zvayo runa, handimborega kuiranga; nokuti vakaramba mutemo waTENZI vakarega kuchengeta mirao yake. Asi zvifananidzo zvavo zvenhema zvokunamata izvi, zvaitevedzwa namadzibaba avo, zvakavarasisa.
5
Naizvozvo ndichatumira moto panyika yokwaJudha uririmise nhare dzeJerusaremu dzokuzvidzivirira nadzo muhondo.”
6
Zvanzi naTENZI, “Pamusana pokutadza rutatu rutatu kwenyika yevokwaIsiraeri kutosvika zvayo runa, handimborega kuiranga; nokuti vanototengesa nemari vanhu vakarurama, vachitotengesa varombo neshangu mbiri.
7
Vanotsokodzera varombo musoro muvhu renyika, vachisaidzira varombo kurutivi. Baba nomwanakomana wavo vachitadza nomushandi wechisikana mumwecheteyo, kun'oresa zita rangu rinoera.
8
Vanoti pasi rare rare pedyo neatari yose yose pahanzu dzavakafanobatiswa navarombo somuripo vachinwira mumba yamwari wavo waini yavanhu vanenge varipiswa.
9
“Asi ini ndakavatsakatisira vaAmori vakanga vakareba semiti yemisidhari, uye vakanga vakasimba somioku. Iyeni ndini ndakaparadza michero yake mudenga'mu nemidzi yawo pasi'pa.
10
Uye ndakakuburitsai munyika yeIjipiti ndikakutungamirirai kwamakore makumi mana murenje, kuti mundotora nyika yavaAmori muiite yenyu.
11
Ndakaita kuti vamwe vevana venyu vakomana vave vaporofita, uye kuti mamwe majaya enyu ave vaNazari. Hazvisiri izvo chaizvoizvo izvi here, nhaimi vanhu veIsiraeri?” Ndizvo zviri kutaura TENZI.
12
“Asi munotoita kuti vaNazari vanwe waini muchirambidza vaporofita kuporofita.
13
Ndichakutsikirirai pasi panzvimbo penyu chaipo sokutsikirira pasi kunoita ngoro izere nezvisote.
14
Vanozviti ndivo vamhanyi chaivo, zvokumhanya izvozvo zvichavaperera, vane simba, simba racho richapera, kunyangewo negamba chairo richatadza kuzviponesa upenyu.
15
Iye anopakata uta haambopamira. Shasha yokumhanya semhepo ichakoniwa kuzviponesa, kanawo wokumhanya namabhiza kuzviponesa upenyu, haambozviponesa
16
kunyange mumwe wamagamba chaiye ane mwoyo chaiwo wechivindi, achati gumbo ndibereke asina chaakapfeka zuva iroro,” ndizvo zviri kutaura TENZI.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9