bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Amos 7
Amos 7
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 8 →
1
TENZI Mwari akandionesa chiratidzo: Muchiratidzo ichochi ndakaona achisika bute rehwiza mushure mokunge mambo apedza kucheka uswa hwezvipfuwo zvake napanguva yakwakanga kwava kutunga uswiswi.
2
Padzakanga dzapedza kudya uswa kwenyika ino, ini ndakati, “Nhai TENZI Mwari, ndateterera doregererai! Jakobho; angapamire sei chaizvo iye ari mudiki kudai?
3
TENZI akadzora mwoyo panyaya iyoyi. TENZI ndokuti, ‘Hazvichaitika.’ ”
4
TENZI Mwari akandionesazve chimwe chiratidzo. Muchiratidzo ichocho TENZI Mwari akanga achigadzirira kuranga vanhu nomoto. Moto iwoyu wakapisa hwenje hwegungwa ndokubva wanhanhirawo kundopisa nyika.
5
Ndipo pandakati, “Nhai TENZI Mwari, ndateterera regai zvenyu kudaro Jakobho angapamire sei chaizvo ari mudiki kudai!”
6
TENZI akadzora mwoyo panyaya iyoyi, iye TENZI Mwari ndokuti, “Izvozviwo izvi hazvichaitika.”
7
Mwari akandionesawo izvi. Ndakaona TENZI amire panyasi porusvingo rwakavakwa pachishandiswa tambo yokuvakisa yokueresa nayo kutwasuka kworusvingo kuenda kumusoro. Akanga akabata muruoko tambo yacho yokuvakisa.
8
TENZI akanditi, “Nhai Amosi, chii chauri kuona?” Ini ndakati, “Tambo yokuera nayo kutwasuka.” TENZI ndokubva ati, “Chinzwa, ndava kuisa tambo yokueresa nayo kutwasuka pakati pavanhu vangu vaIsiraeri Handichazombofazve ndakapfuura napavari.
9
Nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira dzokwaIsaki, dzichaparadzwa, neNzvimbo Dzinoera dzokwaIsiraeri dzichaparadzwa. Ndichamukira imba yaJerobhoamu nebakatwa.”
10
Ipapo Amaziya, mupristi wokuBhetieri, akatumira shoko kuna Jerobhoamu, mambo wokwaIsiraeri, rokuti, “Amosi ari kukupandukirai mukati memba yevokwaIsiraeri. Zvose zviri kubuda pamuromo pake apa, nyika haichagona kutakurana nazvo
11
nokuti Amosi ari kuti, “ ‘Jerobhoamu achafa rufu rwebakatwa rehondo, uye kuti vokwaIsiraeri, vachatoendwa navo chete kuutapwa kure nenyika yavo.’ ”
12
Amaziya akati kuna Amosi, “Iwe muoni chibva, utizire kunyika yokwaJudha uwane chokudya chako ikoko, uchiporofita uri ikoko.
13
Asi usambofa wakazoporofitazve pano paBhetieri nokuti pano apa, iNzvimbo Inoera yamambo iTemberi yenyika.”
14
Amosi ndokupindura Amaziya achiti, “Handisi muporofita ini, kana mumwe webato revaporofita. Asi ndinotova mufudzi nomuchengetedzi weminda yamaonde.
15
Saka TENZI ndiye akandibvisa mukufudza mombe, iye TENZI ndiye akanditi, ‘Enda undoporofita kuvanhu vangu vaIsiraeri.’
16
“Saka zvino chinzwai shoko raTENZI, iyemi muri kuti, ‘Rega kuporofita pamusoro peIsiraeri uye rega kuparidza uchitsoropodza imba yokwaIsaki.’
17
Naizvozvo zvanzi naTENZI, ‘Mudzimai wenyu achava pfambi muguta muno, vana venyu vakomana navasikana vachafa rufu rwepfumo Nyika yenyu imi ichagovanwa. Iyemi pachenyu muchafira kunyika yakan'ora, uye vaIsiraeri vachatoendwa navo chete kuutapwa kure nenyika yavo.’ ”
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9