bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Amos 5
Amos 5
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 6 →
1
Teererai munzwe shoko rakanangana nemi randava kutaura ndichiungudza, kwamuri imi vemba yaIsiraeri rokuti,
2
“Isiraeri, waparara, zvokumukazve hapasisina, wava mhandara yarambwa, uri munyika mako imomo usisina kana newokukusumudzawo.”
3
Ndinodaro nokuti zvanzi naTENZI Mwari, “Guta rakabuda chiuru chavarwi, richasara rava nezana revarwi, uye rakabudawo zana revarwi richasara rava navarwi gumi vokumba kwaIsiraeri.”
4
Nokuti TENZI ari kutaurira vemba yaIsiraeri kuti, “Nditsvakei mugorarama,
5
asi regai kutsvaka kunamata zvokuBhetieri, kana kupinda zvenyu muGirigari kunyange kuyambukira kuBheerishevha pamusana pokuti Girigari ichatoenda chete muutapwa uyewo Bhetieri zvichaiperera.”
6
Tsvagai TENZI, murarame, angadaro akaviruka somoto mumba yokwaJosefi, akaitsakatisa pasina kana anoidzimura achireverera Bhetieri.
7
Hokoyoi imi munosandura ruenzaniso muchiruita gavakava chairo kuvava muchikanda pasi ururami.
8
Iye akasika nyenyedzi dzechinyamutanhatu nedzegwara ravatonga; iye anosandura rima rakati kwirindindi kuti rive mangwanani zvavo achiita kuti masikati ave usiku, iye anodaidza mvura yegungwa achiidira pasi panyika, zita rake iyeyo, ndiYahweh,
9
anoita kuti kuparadza vane simba, kurove semheni zvokuti umharadzi hunobva hwawira nhare dzokuzvidzivirira nadzo muhondo.
10
Vanhu vanovenga munhu anovatsiura padare, vachizvonda anotaura chokwadi.
11
Naizvozvo, pamusana pokuti imi munotsokodzera pasi murombo muchimumanikidza kuti atokupai chete koroni, dzimba dzamakavaka dzamabwe akavezwa, hamudzigari mukasimaka imi munda yakanakisa yamagirepisi, asi hamusi kuzonwa waini yaiwo.
12
Ndinodaro nokuti ndinoziva ini kuwanda kwezvamakakanganisa nokukura kwakaita zvitadzo zvenyu, iyemi munoonesa ndondo vakarurama, munogamuchira pfumbamuromo padare muchiti kumunhu ane nhuna dzaanadzo tibvire pano.
13
Naizvozvo munhu akangwara anonyarara zvake panguva dzakaita saidzodzi idzi, nokuti inguva dzakaipa.
14
Tsvakai zvakanaka, kwete zvakaipa kuitira kuti murarame, nezvo TENZI, Mwari wehondo nehondo, achava nemi, sokureva kwenyu.
15
Vengai zvakaipa mude zvakanaka musimbise zvoruenzaniso padare. Zvimwe TENZI, Mwari wehondo nehondo, angaitire nyasha chitsama chakasara chevokwaJosefi.
16
Naizvozvo zvanzi naTENZI, Mwari wehondo nehondo iye TENZI, “Munhandare dzose zvadzo muchange muchihwihwidzwa kuchema, mumigwagwa yomuguta yose zvayo vachati, ‘Yowe maiwe-e!’ Vachadaidza varimi kundochema vachadaidzawo vebasa rokuhwihwidza kuzoungudza,
17
nomuminda yose yamagirepisi muchava nokuhwihwidza kuchema nokuti ndichapfuura nomukati menyu,” ndizvo zviri kutaura TENZI.
18
Zvichakuwanai imi munoti dai zuva raTENZI rachingosvika. Chamunodira chaizvo kuti zuva raTENZI risvike, chii? Izuva rerima kwete rechiedza
19
rakaita somunhu anoti, uku ari kutiza shumba obva anowira mukanwa mebere; kana kuti somunhu anoti pindei mumba ozendama zvake noruoko kumadziro nyoka yobva yamuruma.
20
Ko handiti zuva raTENZI, izuva rerima here, kwete rechiedza, zuva rakati kwirindindi kusviba, risina kana nekanopenya mariri.
21
“Ndinovenga, uye ndinozvidza mazuva enyu makuru, handisi kumbofarira zvangu misangano yenyu yezvokunamata.
22
Kunyange zvenyu mukapira kwandiri mipiro yenyu yokupisa nemipiro yenyu yembesanwa handisi kuzoigamuchira. Kanawo mipiro yokuwadzana yezvipfuwo zvenyu zvakakodzwa, handisi kuzoitarisa.
23
Ndinyararirei mheremhere yenziyo dzenyu, mumhanzi wamadimbwa enyu handisi kana kuzombouteerera.
24
Asi ruenzaniso ngarudirane kuyerera semvura uye kururama kuitewo sorukova runogarosaruka ruchingoyerera.
25
“Ko makambouya here kwandiri nezvibayiro kana nemipiro kwamakumi mana amakore amakanga muri murenje, nhaimi vemba yaIsiraeri?
26
Imi muchatakura zvifananidzo zvenyu zvokunamata zvamakazvigadzirira zvinoti Sakuti, mambo wenyu naKaiwani, mwari wenyu wenyenyedzi.
27
Naizvozvo ndichakutorai ndichikuendesai muutapwa mberi kupfuura guta reDhamasikusi.” Ndizvo zviri kutaura TENZI anonziwo Mwari wehondo nehondo.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9