bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Amos 8
Amos 8
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 9 →
1
TENZI Mwari akandionesazve izvi. Ndakaona tswanda yemichero yomuzhizha.
2
Iye akati, “Amosi chauri kuona chii?” Ini ndikati, “Tswanda yemichero yomuzhizha.” TENZI akanditi, “Vanhu vangu vaIsiraeri, zvino pavo pazovaperera, rwendo runo zvokunge ndichavadarika hapasisina.
3
Dzimbo dzeTemberi dzichava nziyo dzokuungudza nezuva iroro, Zvitunha zvavanhu richave gatakata, zvichiraswa kwose kwose zvako chinyararire.” Ndizvo zviri kutaura TENZI Mwari.
4
Chinzwai izvi, imi munotsokodzera vasina chavanacho, muchisvitsa varombo vomunyika muno pakugumirwa.
5
Munotika imi, “Ko iro zuva guru roKugara Kwomwedzi, haraichipfuura zvaro, kuti tichitengesa zvedu mbesanwa dzedu? Uye muchiti Ko iro zuva reSabata iri harichisva rapera here kuti tichiburitsa zvedu koroni titengese tichidaro kudukupisa bhagidhi nokukwidza mutengo, tichiitawo zvokuziva nemwero yokubiridzira,
6
kuti titenge varombo nemari tichitengawo neshangu mbiri varombo vasina chavanacho uye kuti titengese kunyange marara zvawo ekoroni.”
7
Ini TENZI ndinopika neni pachangu wamunodada naye imi vokwaJakobho kuti, “Handimbofa ndakakanganwa kunyange chimwechete zvacho chezvakaipa zvamakaita.
8
Nyika ingarege kundengendeka here pamusana paizvozvo uye mugari wose wemo agoungudza, nyika yose zvayo ichitutumuka kuzara serwizi rwaNairi ichazara igosererazve, seNairi rwokuIjipiti?”
9
Zvanzi naTENZI Mwari, “Pazuva iroro, ndichadokesa zuva ari masikati machena, pasi pagoti svi-i kusviba masikati machena chaiwo.
10
Mazuva enyu makuru ndichaasandura achiva okuchema, nziyo dzenyu dzose dzive kuungudza. Ndichaita kuti musungire mitikisha yamasaga muchiuno muveure misoro yenyu mose mugoita savanhu vanochema mwana wavo wechikomana mumwechete, zuva iroro richapera ichingova nhamo chete.”
11
Zvanzi naTENZI Mwari, “Chinzwai, kuchasvika mazuva andichatuma shangwa yenzara panyika, kwete nzara yechokudya kana chokunwa; asi nzara yokuda kunzwa shoko raTENZI.
12
Vanhu vachadzungaira kubva kune rimwe gungwa kusvikira kune rimwe, kubvawo kuchamhembe kusvikira kumabvazuva, vachamhanya-mhanya kwose kwose vachitsvaga shoko raTENZI, vasingariwane.
13
Pazuva iroro tsvarakadenga dzemhandara namajaya vachafizuka nenyota.
14
Vanopika naAshima chifananidzo chokunamata chokuSamaria vachitoti, ‘Namwari wenyu chaiye mupenyu imi vokuDhani,’ kana kutoti, ‘Naiye anonamatwa mupenyu womunzira yokuBheerishebha,’ ivavo vachaputsika vasingazombofa vakamuka zvakare.”
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9