bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Amos 4
Amos 4
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 5 →
1
Teererai munzwe shoko iri imi madzimai, iyemi mhou dzokuBhashani imika mumakomo okuSamaria, imimi munodzvinyirira varombo, iyemi munoonesa ndondo vanhu vasina chavanacho, munoti kuvarume venyu, “Garai makatiwanisa doro tinwe!”
2
TENZI Mwari apika nokuera kwake achiti, “Chinzwai, muchavingwa namazuva pavachakutii kachi nezvirauro zvehove muchiendwa nemi. Kunyangewo wokupedzesera chaiye wenyu acharaurwa nezvirauro.
3
Muchaita zvokutobuda namakapazika rusvingo, mumwe nomumwe wenyu napaakanangana napo muchirasirwa kuMarara,” ndizvo zviri kutaura TENZI.
4
“Uyai zvenyu iko kuBhetieri kwacho muiteka zvitadzo, muuye iko kuGirigari ikoko mundonyanya kuita zvitadzo, muchiendesaka zvibayiro zvenyu mangwanani oga oga nezvegumi zvenyu pazuva retatu roga roga,
5
pirai zvenyuka chibayiro chacho chokutenda chezvinhu zvine mbiriso. Paridziraika zvenyu izvozvo zvemipiro yokupa nechido, muzvizuwidze nokuti ndizvo zvamunoda iyemi vanhu veIsiraeri!” Ndizvo zviri kutaura TENZI.
6
“Ndakakubatisai paura nenzara mumaguta enyu ose zvawo ndichikushayisai zvokudya munzvimbo dzenyu dzose. Asi imi hamuna kudzokera kwandiri,” ndizvo zviri kutaura TENZI.
7
“Uyewo ini ndakamisa mvura kuti irege kunaya kwamuri ipo pachine mwedzi mitatu kuti nguva yokukohwa isvike. Ndaiti pane rimwe guta ndonayisa zvangu mvura pane rimwewo guta ndorega kuinayisa, mumwe munda uchiniwa nemvura mumwewo unenge usina kunayiwa uchiuna.
8
Nokudaro vamaguta maviri kana matatu vaizodzungaira kuenda kuguta rimwechete vachitsvaka mvura yokunwa vasingawane mvura yakakwana. Asi imi hamuna kudzokera kwandiri,” ndizvo zviri kutaura TENZI.
9
“Ndakakuparadzirai mbesa dzenyu nezvikukuve nechakuvhuvhu ndikaita kuti zanzwe ramapindu enyu neminda yenyu yamagirepisi zvisare zvisisina chinhu, michero yenyu yemionde nemiorivhi zvikarozvwa nehwiza. Asi imi hamuna kudzokera kwandiri,” ndizvo zviri kutaura TENZI.
10
“Ndakatumira nhamo pakati penyu sedzandakatumira kuIjipiti, ndakauraya majaya enyu namapakatwa pamwechete nokupamba mabhiza enyu ndikaitawo kuti gutukutu rapamusasa wenyu wamatendhe rindimuke richiita gutukutu kunhuhwa mumhuno dzenyu iyemi. Asi imi hamuna kudzokera kwandiri,” ndizvo zviri kutaura TENZI.
11
“Ndakatsakatisa vamwe venyu sezviya zvakaita Mwari achiparadza guta reSodhomu nereGomora. Izvozvo imi mainge chitsiga chomoto chaburwa mumoto. Asi imi hamuna kudzokera kwandiri,” ndizvo zviri kutaura TENZI.
12
“Naizvozvo iwe Isiraeri izvozvo ndizvo zvandichaita kwauri, pamusana pokuti ndichaita izvozvi kwauri chigadzirira kusangana naMwari wako, iwe Isiraeri!”
13
Ndinodaro nokuti iye anoumba makomo anosikawo mhepo, iye anozivisa munhu zvaaronga mumwoyo make, iye anoita kuti kusvibe iwo achiri mangwanani zvawo achinyatsotsika zvake chaimo makakwirira menyika, zita rake ndiYahweh, Mwari wehondo nehondo.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9