bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Micah 1
Micah 1
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 2 →
1
Shoko raMwari rakauya kuna Mika wokuMoresheti mumazuva okutonga kwaJotamu naAhazi naHezekiya, madzimambo okwaJudha raakaporofita richinangana nezveSamaria neJerusaremu.
2
Teererai munzwe, imi marudzi avanhu, mose zvenyu. Inzwa unzwe iwe nyika nazvose zviri mauri, rega Tenzi Mwari ave ndiye anokuroverera, iye Tenzi wokuNzvimbo yake Inoera.
3
Ndinodaro nokuti Tenzi ari kuuya achibva kunzvimbo yake, achaburuka pasi agotsokodzera nzvimbo dzakatunhumara dzapanyika.
4
Makomo achanyongodeka pasi pake, mapani achitsemuka senamo yanyautswa nomoto, semvura yadeurirwa pasi pamutenure chaipo.
5
Zvose izvi zvichaitika pamusana pokukanganisa kwevokwaJakobho uye pamusana pezvitadzo zvevemba yokwaIsiraeri. Ko ane mhosva yokukanganisa kwevokwaJakobho ndiani? Harisi guta reSamaria here? Ko ane mhosva yechitadzo chemba yokwaJudha ndiani? Harisi guta reJerusaremu here?
6
Naizvozvo ndichaita kuti guta reSamaria rive murwi pakati penyika, rive nzvimbo yokurima magirepisi. Ndichagudumutsira matombo aro mubani ndichiisa ugaro hwaro pachena.
7
Zvose zvifananidzo zvaro zvokunamata zvichapwanywa-pwanywa. Zvose zvarakawana nounzenza ihwohwo zvichapiswa nomoto uye zvifananidzo zvaro zvokunamata zvichaparadzwa, nokuti rakazviwana noufeve saka zvichadzorerwawo kune veunzenza ivavo.
8
Izvi zvinondipa kuungudza nokuchema ndichafamba ndakadaro ndiri mutwi ndichiungudza samakava, ndichichema semhou
9
nokuti ronda rake harirapiki rakasvikawo kwaJudha; ratosvikawo kusuo guru ravanhu vangu kuJerusaremu.
10
Musasvitse nyaya iyi kune vokuGati kana kutombosvimha zvenyu misodzi. MuBhetireafura zviumburudzei muvhu.
11
Pfuurai zvenyu nenzira, imi vagari vokuShafiri, musina chamakapfeka muchinyara. Kuva vagari vokuZaanani zvokubuda hapana. Kuungudza kweBhetiezeri, kuchakubvisirai chamunofunga kumira nacho ikoko
12
nokuti vagari vokuMaroti vavakusuwira kwazvo ruyamuro nokuti Tenzi apinza nhamo pamusuo peJerusaremu.
13
Imi vagari vokuRakishi bopai mikono yamabhiza pangoro dzehondo. Ndimi vakava vokutanga kupara chitadzo cheguta reJerusaremu nokuti makaitawo zvitadzo zvevokwaIsiraeri muguta reRakishi.
14
Naizvozvo chitopananai zvipo zvokuonekana nevokuMoresheti kuGati, musha weAkizibhu uchava musha wounyengedzi kumadzimambo eIsiraeri.
15
Ndichakuunzirai wokukukurirai, imi vagari vokuMaresha, uyezve madzichangamire omuIsiraeri achandohwanda kuAdhuramu.
16
Zvigusei muparavara wenhamo mugerwe vhudzi renyu muzviite muparavara unenge wegora nokuti vana venyu vapamwoyo vachabva kwamuri vachiendeswa kuutapwa.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7