bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Micah 5
Micah 5
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 6 →
1
Ronganisa hondo dzako iwe guta rehondo dzavarwi nokuti watokombwa iwe. Vacharova mutongi weIsiraeri neshamhu padama.
2
“Iwe Bheterehemu wokwaEfurata, kunyange uri muduku zvako, mukati memadzinza okwaJudha, mauri iwe muchabuda mutongi wangu, achatonga Isiraeri, dzinde rokwaakabva nderakare kare rapasichigare chaipo.”
3
Naizvozvo achambovaregera vakadaro kwechinguva kusvikira ane pamuviri pari kurwadza asununguka. Ipapo dzimwe hama dzake dzose ndopadzichadzokera kuvanhu veIsiraeri.
4
Mwana iyeyo ndiye achatozomira chaizvo achifudza danga rake rezvipfuwo aine simba raTenzi, aine chiremera chezita raTenzi Mwari wake uye vachanyatsogara zvakanaka nokuti ukuru hwake huchasvika kwakaperera nyika.
5
Iyeyu ndiye achatozovawanisa rugare. Patichapindirwa neAsiria munyika medu ichitsokodzera zvayo munzvimbo dzedu, tichaimutsira vokutifudza vanomwe vokuonana nayo, makurukota chaiwo avanhu, kana kutoita masere chaiwo.
6
Ivava ndivo vachatozotonga nyika yeAsiria nehondo yamapakatwa, vachatonga nyika iyoyi yeNimurodhi vakaiburitsira bakatwa. Ivava ndivo vachatinunura kuAsiria patinenge tapindirwa munyika medu neAsiria paya ichitsokodzera munyika medu.
7
Chitsama chevokwaJakobho chinenge chazosara chichazova mukati mendudzi nendudzi dzavanhu, chichiva sedova rinobva kuna Tenzi uye sehore dzemvura pauswa zvisingambomirira zvazvo kana vanhu.
8
Chitsama chevokwaIsiraeri chinenge chazosara chichava mukati memarudzi nomukati mendudzi nendudzi dzavanhu, seshumba mukati memhuka dzesango seshumba ichiri duku mumatanga ehwai inoti kana ikapinda nomo inotsokodzera ichibvambura-bvambura pasina anogona kununura.
9
Uchasumudzira shamhu, vanokuvenga, vavengi vako vose vachaurayiwa.
10
“Pazuva iroro, ndizvo zviri kutaura Tenzi, pakati penyu ndichauraya mabhiza enyu ndichiparadza ngoro dzenyu dzehondo.
11
Ndichaparadzawo maguta omunyika menyu ndichipaza nzvimbo dzenyu dzose dzokuzvidzivirira ndadzo muhondo.
12
Ndichaparadzazve uroyi hwamuchashandisa namaoko enyu ndigosiya usisina vanofembera namaminimini.
13
Uye ndichaparadza mukati menyu zvifananidzo zvenyu zvamabwe zvokunamata, hauchazokotamirazve kunamata zvinhu zvamakagadzira imi namaoko enyu.
14
Ndichadzipura mukati menyu zvifananidzo zvokunamata zvinomiririra Ashera nokuparadza maguta ako.
15
Ndichatsiva ndakashatirwa nehasha marudzi ose asingateereri.”
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7