bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Micah 7
Micah 7
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
1
Maiwe zvangu inga ndawira ini, nokuti ndaita senguva yezhizha iya yokunge michero yapera kutanhwa, senguva yokunge magirepisi apera kufuhwiwa, kusisina zvako kana chisumbu chokuti udye, kusisinawo maonde okutangisisa kuibva andinodisisa aya.
2
Vanhu vanotya Mwari vapera pasi pano, muvanhu'mu hamusisina mutsvene. Vose zvavo vanohwandirana vachida kuurayana vachivhimana nomumbure hama nehama.
3
Uipi ndohwavana maoko nahwo, ishasha chaidzo pakuhuita, gurukota nomutongi vose vanoda pfumbamuromo, mukuru mukuru chaiye anototaura zvake zvakaipa zviri mumwoyo make vobva vatoiruka nyaya yacho pamwechete.
4
Wakanakisisa chaizvo pakati pavo akaita sorukato ari pachokwadi chaipo wacho akaita soruzhowa rweminzwa. Rasvika zuva riya rokurangwa zuva renharirire zvokukangaidzwa kwenyu zvauya zvino.
5
Rega kuvimba nomumwe wako kana kuvimba neshamwari zvayo, bata rurimi rwako kunyange kumudzimai wako chaiye
6
nokuti mwanakomana haachambooni baba vake sechinhu mwanasikana achimukirawo amai vake muroora achipandukira vamwene vake. Mhandu dzomunhu dzava vanhu vomumba make chaimo.
7
Asi kana ndiri ini, changu kutarisa kuna Tenzi. Ndichamirira Mwari, ruponesi rwangu, Mwari wangu achandinzwa.
8
Muvengi wangu iwe, rega zvako kunditi toko waro. Kana dai ndikaputsikira pasi, ndichamuka, kana dai ndikagara zvangu murima Tenzi achava chiedza changu.
9
Ndichatirira zvangu kushatirirwa kwandakaitwa naTenzi nokuti ndakamutadzira kusvikira iye Mwari ava kutondirevererawo andienzanisirawo mhosva yangu. Achandisvitsa kuchiedza ndichitozvionerawo kununura kwake.
10
Ipapo vavengi vangu vachazviona, nyika igobatwa nenyadzi, nyika yaimbonditi, “Ko Tenzi, Mwari wako aripiko?” Ndichanyatsoitarisa nyika iyoyo izvozvo ichitsokodzerwa pasi samatope munzira.
11
Richasvika haro zuva rokuvaka masvingo ako. Pazuva iroro muganho wenyika uchasvika uko nokokoko.
12
Pazuva iroro vanhu vachauya kwauri vachibva kuAsiria nokumaguta ekuIjipiti uye kubva kuIjipiti kundosvikawo kurwizi rweYufuratesi kubvawo kugungwa kundosvikawo kugungwa kubvawo kugomo kundosvika kune rimwe gomo.
13
Asi nyika ichasara yava renje pamusana pavagari vayo uri mubayiro wezviito zvavo.
14
Fudzai vanhu venyu nomudonzo wenyu, danga renyu renhaka vava kungogara zvavo voga musango mukati menyika yamapindu. Varegei vandofura zvavo muBhashani nomuGireadhi sapamazuva apasichigare.
15
Sapamazuva aya amakabuda munyika yeIjipiti muvaratidze zvinhu zvinoshamisa.
16
Marudzi avanhu achazvionerawo agonyara vaine simba ravo zvavo kudaro. Vachati nazvo muromo kapu vachitodzivira nzeve nazvo.
17
Vachananzva guruva senyoka sezvinokambaira zvapasi pano. Vachabuda vachihuta kudedera munhare dzavo dzokuhwanda hondo. Vachatendeukira kuna Tenzi, Mwari wedu vachitya pamusana penyu.
18
Ndiani Mwari akaita semi anoregerera uipi anokanganwira vanhu kukanganisa kuchitsama chavakasara chenhaka yake. Iye haarambi akashatirwa narini narini nokuti chaanofarira kuita mwoyochena.
19
Achatinzwira ngoni zvakare agotsokodzera uipi hwedu pasi petsoka dzake. Muchakanda zvitadzo zvedu zvose pasi pasi pegungwa.
20
Imi mucharatidza vokwaJakobho kutendeseka kwenyu muchionesawo vokwaAbhurahamu mwoyochena wenyu sokupika nemhiko kwamakaita kumadzibaba edu kubvira pasichigare.
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7