bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Micah 2
Micah 2
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 3 →
1
Zvichavawana, avo vanorangarira kuita zvakaipa vachironga kuita zvouipi vari pamibhedha yavo! Kukangochena chete vobva vatozviita nokuti simba rokuzviita vanaro.
2
Vanochiva minda voitora nechisimba, vanochiva dzimba vachidzibvuta. Vanokukucha munhu pamwechete nemhuri yake, munhu nezvinhu zvake zvenhaka.
3
Naizvozvo Tenzi anoti, “Chinzwai ini ndava kurongera mhuri iyoyi zvinhu zvakaipa zvamusingagoni kuzvitakanura pamutsipa. Zvokufamba muchizvikudza zvichakupererai nokuti inenge yava nguva yakaipa.
4
Munguva iyoyo kuchaimbwa rumbo rwokukusekai imi muchihwihwidza kuchema muchiungudza zvinosiririsa muchiti: ‘Tanyatsoparara isu, nhaka yevokwangu, yasandurwa, ndikaitorerwa. Minda yokwedu yagoverwa zvayo kuvanhu vakatipamba.’ ”
5
Saka ipapo mugungano raTenzi, munenge musisina munhu anokupimirai migove yenyu netambo.
6
Vanoparidza vachiti, “Musaparidze. Rega kuparidza zvinhu zvakadaro. Hapana chinotinyadzisa chichatiwira.”
7
Imba yokwaJakobho ingapinde rushambwa nhai? Tenzi haasisina mwoyo murefu here? Ndiwo maitiro ake here? Handiti ndinototaura zvakanaka kune vanotevedza ururami?
8
Imi ndimi matova mhandu yacho kuvanhu vangu munobvutira munhu asina mhaka batye rake, munhu anenge avarairwa achiti hapana chinouya kwaari momupa nhamo yokunge ari muhondo.
9
Munodzinga imi madzimai avanhu vangu mudzimba dzavo dzavanoda kwazvo, vana vavo munovabvutira nokusingaperi chikomborero chandakavapa.
10
Simukai muende nokuti pano hapasisiri pokugara pamusana pokun'ora kunoparadzwa zvikuru kwazvo kuchaita kuti iparadzwe zvachose.
11
“Kana munhu akafamba zvake achitaura mwando zvawo enhema achiti, ‘Regai ndikutaurirei kuti waini nedoro zvichabooka,’ iyeyo ndiye angatova zvake ava muporofita wavanhu ava.
12
“Imi vokwaJakobho ndichanyatsokukokorodzai mose zvenyu, ndichinyatsounganidza chitsama chakasara chevokwaIsiraeri. Ndichavaisa pamwechete sedanga rehwai, sedanga rezvipfuwo zviri mumafuro azvo, vari mhomho chaiyo yavanhu.
13
Iye achavavhurira nzira, ndiye achavatungamirira vachityora napasuo guru vobuda napo. Mambo wavo, Tenzi ndiye achavatungamirira ari mberi.”
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7