bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Micah 4
Micah 4
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 5 →
1
Mumazuva achauya zvichaitika kuti gomo reTemberi yaTenzi richaitwa kuti rive gomo rakarebesesa kupfuura makomo ose zvawo. Marudzi avanhu achakurumukira kuenda kwariri,
2
ndudzi zhinji dzavanhu dzichauya dzichiti: “Uyai, tikwire kugomo raTenzi, kumba yaMwari wokwaJakobho atidzidzise makwara ake, titevedze nzira dzake nokuti muZioni ndimo muchabva mutemo, shoko raTenzi richabva kuJerusaremu.”
3
Ndiye achava mutongi wamarudzi avanhu akawanda achienzanisira mhosva dzendudzi dzavanhu kusvikira kuna vari kure kure. Vachapfura mapakatwa avo vachiaita miromo yegejo, mapfumo avo vachiaita majeko okupemhenesa miti nawo, pasisina rudzi runosumudzira rumwe rudzi bakatwa, uye zvokudzidza kurwa hondo panenge pasisina.
4
Asi munhu wose achagara pamunda wake wamagirepisi newamaonde, pasina anovatyisidzira nokuti ndozvataurwa naTenzi wehondo nehondo nomuromo wake.
5
Asi zviripowo ndezvizvi zvokuti: marudzi ose avanhu, rudzi norudzi runofamba muzita ramwari warwo. Isuwo tichafamba muzita raTenzi Mwari wedu narini narini.
6
“Zvanzi naTenzi, pazuva iroro, ndichaunganidza zvirema, ndichakokorodza vakadzingirwa kure navandakapinza nhamo.
7
Zvirema izvozvo ndizvo zvandichaita chitsama chacho chavanhu vanosara. Ivava pamwechete navakambodzingirwa kure vaya ndichavaita rudzi rwakasimba. Tenzi achavatonga ari paGomo reZioni kubvira ipapo kusvikira nokusingaperi.”
8
Kana zviri zvewe nharirire yedanga rezvipfuwo, iwe gomo reguta reZioni, ukuru hwawaiva nahwo, uchahudzoserwa. Umambo huchauya paguta reJerusaremu.
9
Zvino chii chaizvo chaunobongomorera kudai? Asi mauri hamuna mambo here? Jinda rako raparara here kubva warwadzwa kudai somukadzi arwadziwa napamuviri?
10
Shanyarika udunure, iwe guta reZioni somukadzi arwadziwa napamuviri nokuti iye zvino uchabva muguta irori undogara musango zvamo. Uchaenda iwe kuBhabhironi, ikoko uchaponeswa. Tenzi achakununura ikoko mumaoko mavavengi vako.
11
Izvozvi marudzi mazhinji avanhu ari kukukokerana achiti, “Guta reZioni ngarin'oreswe, tirionerere.”
12
Asi zviri mumwoyo maTenzi havazvizivi, zvirongwa zvake, havazvinzwisisi kuti atovaunganidza sezvisote zvaunzwa paburiro.
13
“Chisimuka upure zvako iwe guta reZioni nokuti ndichaita kuti uve nenyanga dzesimbi namatsiko endarira uchapwapwanyisa marudzi namarudzi ugopira kuna Tenzi zvavakanga vawana, kupira upfumi hwavo kuna Changamire wapasi pose.”
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7