bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Revelation 11
Revelation 11
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 12 →
1
Ndakapiwa karutanda kokueresa kanenge mudonzvo ndikanzi, “Simuka uyere Temberi yaMwari neatari uverengewo vanonamatamo.
2
Asi usayere chivanze chiri kunze kweTemberi, siya chakadaro, nokuti chakapiwa kune vechirudzi vachatsikatsika guta rinoera guta rinoera kwemwedzi makumi mana nemiviri.
3
Ndichapawo simba kuzvapupu zvangu zviviri kuti zviporofite kwamazuva churu namazana maviri ana makumi matanhatu vakapfeka masaga.”
4
Ivava ndivo miorivhi miviri nezvigadzikiro zviviri zvemwenje zviri pamberi patenzi wapasi.
5
Kana munhu akavakuvadza, moto uchabva mukanwa mavo uchiroromesa vavengi vavo. Kana munhu akavakuvadza anouraiwa.
6
Vane simba rokupfiga denga kuti mvura irege kunaya pamazuva ukuporofita kwavo. Vane simba pamusoro pemvura rokuipindura kuva ropa uye rokurova nyika namatenda pavanenge vangodira zvavo.
7
Pavanopedza uchapupu hwavo chikara chiya chinobuda mugomba risina parinoperera chichavarwisa chigovakurira chigovauraya.
8
Zvitunha zvavo zvichati rakata mumugwagwa weguta guru, rinonzi namadimikira, Sodhomu kana kuti Ijipiti makarovererwa Tenzi wavo pamuchinjikwa.
9
Kwamazuva matatu ane chidimbu vanhu vanobva muvanhu vose nomumadzinza nomundimi nomumarudzi vachatarisa zvitunha zvavo vachiramba kuti zvivigwe muguva.
10
Vanogara panyika vachafara vachipembera, vachitopana zvipo nokuti vaporofita vaviri ava vachange vaonesa vagari vapanyika ndondo.
11
Asi mushure memazuva aya matatu ane chidimbu mweya woupenyu unobva kuna Mwari uchavapinda vachizomira namakumbo avo kutya kukuru kuchizowira vanovaona.
12
Vakazonzwa izwi guru richibva kudenga richivati, “Kwirai kuno.” Vakakwira kudenga vari mugore vavengi vavo vakatarisa.
13
Panguva iyo pakava nokundengendeka kukuru chikamu chavanhu chimwechete pazvikamu gumi zvakaenzana chakati rakata pasi. Vanhu vaisvika zviuru zvinomwe vakauraiwa mukundengendeka kwapasi vamwe vose vakabatwa nokutya vakapa mbiri kuna Mwari wedenga.
14
Dambudziko rechipiri ndipo parinoperera pano. Dambudziko rechitatu riri kuuya iye zvino.
15
Mutumwa wechinomwe akaridza bhosvo rake kukava namazwi okudaidzira mudenga aiti, “Umambo hwapasi hwava humambo hwaTenzi naMesia wake. Achatonga narini narini.”
16
Vakuru vakuru makumi maviri ana vana vaya vagere pazvigaro zvavo zvoumambo vakati kota kota nouso pamberi paMwari vachinamata Mwari
17
vachiti, “Tinokutendai Tenzi Mwari Samasimbaose. Imi muripo, makanga muripo kuti makatora ukuru hwenyu mukatangisa kutonga.
18
Vechirudzi vakaita bope asi makavavirukira nehasha uye nguva yokutongwa kwavakafa neyokupa mubayiro kuvaranda venyu, vaporofita navatsvene navanotya zita renyu vakuru navadiki yasvika, nguva yokuparadza mharadzi dzapasi.”
19
Temberi yaMwari yokudenga yakazarurwa Bhokisi rake reChitenderano rakaonekwa muTemberi make pakavaima mheni, pakadhirima, mheni ikadhiriridza pakaita kundengendeka kwapasi nechivhuramahwe chakawanda.
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22