bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Revelation 5
Revelation 5
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 6 →
1
Zvino ndakaona murudyi mouya akanga agere pachigaro choumambo, bhuku rokumononora rakanyorwa seri neseri rakanamwa nenamo nomwe.
2
Ndakaonawo mutumwa akasimba achidaidzira nezwi guru achiti, “Ndiani anokodzera kuzarura bhuku rokumononora nokukwatanura namo dzaro.”
3
Hapana kana mumwechete, kudenga kana pasi pano kana pasi penyika aigona kuzarura bhuku rokumononora iroro kana kutarisa mukati maro.
4
Ipapo ini ndakachema zvikuru nokuti aikodzera kuzarura bhuku rokumononora iroro kana kutarisa mariri; haana kuwanikwa.
5
Mumwe wavakuru vakuru vaya akati kwandiri, usacheme zvako, inga shumba yedzinza rokwaJudha, Dzinde raDhavhidhi, akakunda, kuti akwanise kuzarura bhuku rokumononora iroro nenamo dzaro nomwe dziya.
6
Ipapo ndakaona Hwayana ichitarisika seyakambouraiwa; yakanga yakamira nechapakati pechigaro choumambo yakatenderedzwa nezvisikwa zvipenyu zvina zviya uye navakuru vakuru vaya. Yakanga iine nyanga nomwe namaziso manomwe. Ndiyo mweya minomwe yaMwari yakatumwa pasi pose.
7
Yakaenda ikatora bhuku rokumononora murudyi rwaiye akanga agere pachigaro choumambo.
8
Payakatora bhuku rokumononora iroro, zvisikwa zvipenyu zvina zviya navakuru vakuru makumi maviri navana vaya vakati pasi wareware pamberi peHwayana. Mumwe nomumwe aine dimbwa mumaoko nekadhishi kazere rusenzi ndiyo minamato yavatsvene.
9
Vakaimba rumbo rutsva vachiti, “Munokodzera kutora bhuku rokumunonora nokukwatanura namo dzaro nokuti makauraiwa mukanunurira Mwari vanhu kubva kumarudzi ose nendimi dzose navanhu vose nendudzi dzose.
10
Makavaita umambo navapristi vaMwari wedu uye vachatonga pasi.”
11
Ndakazotarisa ndikanzwa kumativi ose kupoteredza chigaro choumambo nezvisikwa zvipenyu zviya navakuru vakuru vaya izwi ravatumwa vazhinji vakawanda zvokuita zviuru nezviuru namazana akazanirana kwazvo;
12
vachiti nezwi guru, “Hwayana yakauraiwa yakakodzera kugamuchira simba roupfumi noungwaru noukuru norukudzo nembiri nechikomborero.”
13
Ndakanzwa zvisikwa zvose zviri kudenga napasi napasi penyika nomugungwa nazvose zvirimo zvichiti, “Ngaarumbidzwe, narini narini apiwe rukudzo nembiri noukuru iye agere pachigaro choumambo uyewo kuHwayana.”
14
Zvisikwa zvipenyu zvina zviya zvakati, “Ameni,” vakuru vakuru vaya vakabva vati wareware pasi vachinamata.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22