bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Revelation 21
Revelation 21
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 22 →
1
Ipapo ndipo pandakazoona denga idzva nenyika itsva nokuti denga rakare nenyika yakare zvakanga zvapfuura uye gungwa pakanga pasisina.
2
Ndakazoona guta dzvene Jerusaremu idzva richiburuka mudenga richibva kuna Mwari rakagadzirirwa semwenga, mwenga akashongedzerwa murume wake.
3
Ndakanzwa izwi guru richibva pachigaro choumambo richiti, “Tarisai muone kuti Mwari ava kuzoita musha wake pakati pavanhu. Achagara navo; ivo vachava vanhu vake iyewo Mwari pachake achava navo.
4
Achapukuta misodzi yose pamaziso avo. Rufu haruchazovapozve, hapachazova nokuungudza kana kuchema kana kurwadziwazve, nokuti zvinhu zvakare zvinenge zvapfuura.”
5
Uya akanga agere pachigaro choumambo akati, “Tarisai muone ndava kuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva.” Akatizve, “Nyora izvi nokuti mazwi aya mazwi anovimbika uye ndeechokwadi.”
6
Uya akanditi, “Zvaitika. Ndini Arifa naOmega ndini mavambo namagumo ezvinhu kune vane nyota ndichavapa mvura pasina muripo ichibva mukasipiti kemvura youpenyu.
7
Uyo anokunda achawana mugove wenhaka yezvinhu izvi ini ndichava Mwari wake iye achivawo mwana wangu.
8
Asi mbwende, navanohedhuka navakapara zvitadzo nemhondi nemhombwe navaroyi, navanamati vezvinhu zvisiri Mwari, navarevi venhema, chavo ivo zidziva riya rinobvira moto nesarufa. Ndirwo rufu rwechipiri.”
9
Ndipo pakazouya mumwe wavatumwa vanomwe vaya vakanga vane ndiro nomwe dzakanga dzizere pfumvu nomwe dzokupedzisira. Akati kwandiri, “Uya ndikuratidze mwenga, mudzimai weHwayana.”
10
Ndiina Mweya, akanditakura akaenda neni kuGomo refurefu akandiratidza guta dzvene reJerusaremu richiburuka richibva mudenga, richibva kuna Mwari
11
riine kupenya kokuvapo kwaMwari. Rain'aima sechishongo chinokosha kwazvo uye seemeradhi rakachena sezvimedu zvedombo romusarasara.
12
Rakanga riine rusvingo rukuru rwakareba kuenda mudenga ruine misuo mikuru gumi nemiviri. Pamisuo mikuru iyoyo paiva navatumwa gumi navaviri. Pamisuo mikuru iyoyo pakanga pakanyorwa mazita amadzinza gumi namaviri avaIsiraeri.
13
Kumabvazuva kwaiva nemisuo mikuru mitatu; kuchamhembe kuine misuo mikuru mitatu; kumaodzanyemba kuine misuo mikuru mitatu kumadokerowo kuine misuo mikuru mitatu.
14
Rusvingo rweguta iroro rwakanga ruina matombo ohugaro gumi namaviri. Paugaro ipapo pakanga pakanyorwa mazita gumi namaviri avapositori veHwayana.
15
Uyo aitaura neni akanga aino rutanda rwendarama rwokueresa guta iroro nemisuo mikuru yaro namasvingo arwo.
16
Guta iroro raiva namativi mana akaenzana. Urefu hwaro hwakanga hwakaenzana noupamhi hwaro. Akaera urefu hweguta norutanda rwake hukaita makiromita zviuru zviviri zvina mazana maviri urefu hwaro noupamhi hwaro nokukwira kwaro mudenga zvakanga zvakaenzana.
17
Akaerawo rusvingo rwaro rukaita mamita makumi matanhatu ana mashanu namaerero anoita vanhu asi iye ari mutumwa aiera.
18
Rusvingo irworwo rwakanga rwakavakwa namatombo ejasipa. Iro guta riri rendarama yoga yoga rakachena segirazi.
19
Ugaro hwerusvingo rweguta iroro hwakanga hwakashongedzwa nezvishongo zvemhando nemhando. Chishongo chokutanga chakanga chiri chejasipa chechipiri chiri chesafaya chechitatu chiri cheagati chechina chiri cheemeradhi
20
chechishanu chiri cheonikisi chechitanhatu chiri chekaneriani chechinomwe chiri chekirisoriti chechisere chiri cheberi chechipfumbamwe chiri chetopazi chegumi chiri chekirisopurasi chegumi nechimwe chiri chejasindi chegumi nechipiri chiri cheemetisiti.
21
Misuo mikuru gumi nemiviri iya yakanga iri yamapera gumi namaviri. Suo guru rimwe nerimwe rakaitwa nePera rimwechete. Migwagwa yeguta iroro yakanga iri yendarama yakanakisisa inoonekera segirazi.
22
Asi handina kuona Temberi muguta iroro nokuti Temberi yaro ndiTenzi Mwari, Samasimbaose neHwayana.
23
Guta iroro haridi zuva kana mwedzi zvokurivhenekera nazvo nokuti kupenya kokuvapo kwaMwari ndicho chiedza charo, Hwayana iri iyo rambi rayo.
24
Marudzi ose achafamba achivhenekerwa nechiedza charo uye madzimambo apasi achauisa mariri zvinovapa mbiri.
25
Misuo yaro mikuru haichazombopfigwa masikati uye hakuzombovi nousiku ikoko.
26
Vachaunzamo mariri zvinhu zvinopa marudzi mbiri nomukurumbira.
27
Hakuna chakan'ora chichapinda mariri kana ani zvake anoita zvisingadiwi naMwari kana anonyengedza kusiya chete vakanyorwa mubhuku roupenyu reHwayana.
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 22 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22