bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Revelation 7
Revelation 7
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 8 →
1
Mushure mezvo ndakazoona vatumwa vana vakamira pamativi mana enyika vakadzivirira mhepo ina dzapasi kuti pasave nemhepo inovhuvhuta panyika kana pagungwa kana kuvhuvhuta muti zvawo.
2
Ndipo pandakazoona mumwe mutumwa achikwira mudenga kumabvazuva aine chidhindo chaMwari mupenyu. Akadaidzira nezwi guru kuvatumwa vana vaya vakanga vapiwa simba rokuondonga nyika negungwa
3
achiti, “Musaondonge nyika kana gungwa kana miti, kusvikira taisa mucherechedzo pahuma dzavaranda vaMwari wedu.”
4
Ndakanzwa uwandu hwavakaiswa mucherechedzo vaiva zviuru zana namakumi mana ane zvina ndivo vakaiswa mucherechedzo mudzinza roga roga ravana vaIsiraeri.
5
Mudzinza rokwaJudha zviuru gumi nezviviri mudzinza rokwaRubheni zviuru gumi nezviviri mudzinza rokwaGadhi zviuru gumi nezviviri.
6
Mudzinza rokwaAsheri zviuru gumi nezviviri mudzinza rokwaNafutari zviuru gumi nezviviri mudzinza rokwaManase zviuru gumi nezviviri.
7
Mudzinza rokwaSimioni zviuru gumi nezviviri mudzinza rokwaRevhi zviuru gumi nezviviri mudzinza rokwaIsakari zviuru gumi nezviviri.
8
Mudzinza rokwaZebhuroni zviuru gumi nezviviri mudzinza rokwaJosefi zviuru gumi nezviviri mudzinza rokwaBhenjamini zviuru gumi nezviviri.
9
Mushure mezvi ndakatarisa ndikaona manyoremanyore avanhu vasingaverengeki, vamarudzi ose, namadzinza ose navanhu vose nendimi dzose vamire pamberi pechigaro choumambo napamberi peHwayana vakapfeka magemenzi machena vaine mirara mumaoko vachidaidzira nezwi guru vachiti,
10
“Ruponeso runobva kuna Mwari wedu agere pachigaro choumambo uye runobva kuHwayana.”
11
Vatumwa vose vakanga vamire vakatenderedza chigaro choumambo vakatenderedzawo vakuru vakuru vaya vakatenderedzawo zvisikwa zvipenyu zvina zviya. Vatumwa vakati kotakota nouso pamberi pechigaro choumambo vachinamata Mwari
12
vachiti, “Ameni. Kurumbidzwa nembiri noungwaru nokutendwa norukudzo noukuru nesimba ngazvive kuna Mwari wedu narini narini Ameni.”
13
Mumwe wavakuru vakuru vaya akanditi, “Ko ava vakapfeka magemenzi machena ndivanani? Uye vabva kupi?”
14
Ndakati kwaari, “Changamire inga ndimi munoziva wani.” Iye akati kwandiri, “Ava ndivo vakabuda mupfumvu huru vakasuka magemenzi avo vakaachenesa muropa reHwayana.
15
Ndokusaka vari pamberi pechigaro choumambo chaMwari vachimushandira siku nesikati muTemberi yake. Iye anogara pachigaro choumambo achavafukidza netendhe rake.
16
Havazonzwi nzara kana kunzwazve nyota zuva harichazovapisizve kana kunzwa kupisa kunobvuraudza
17
nokuti Hwayana iya iri pakati pechigaro choumambo ndiyo ichava mufudzi wavo. Iyo ichavatungamirira kuzvisipiti zvemvura mhenyu. Mwari achapukuta misodzi yose pamaziso avo.”
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22