bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Revelation 16
Revelation 16
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 17 →
1
Ndakazonzwa izwi guru richibva muTemberi richiti kuvatumwa vanomwe, “Endai mundodurura panyika ndiro nomwe dzehasha dzaMwari.”
2
Saizvozvo mutumwa wokutanga akaenda akadururira ndiro yake panyika. Vanhu vaya vakanga vaine mucherechedzo wechikara vakagwadama vachinamata chifananidzo chacho, vakaita maronda anonyeka akaipisisa.
3
Mutumwa wechipiri akadururira ndiro yake mugungwa rikaita seropa romunhu afa, zvipenyu zvose zvaiva mugungwa zvikafa.
4
Mutumwa wechitatu akadururira ndiro yake munzizi nomuzvisipiti zvemvura zvikapinduka zvikava ropa.
5
Ndakazonzwa mutumwa anotonga zvemvura achiti, “Imi muri mutsvene kutonga kwenyu kwakarurama imi muripo uye makanga muripo.
6
Vanhu vakadeura ropa ravatsvene neravaporofita imi mukavapa ropa kuti vanwe. Toko waro! Ndomubayiro wavo.”
7
Ndakanzwa izwi kuchema paatari richiti, “Hamuoneka Tenzi Mwari Samasimbaose, kutonga kwenyu ndekwepachokwadi uye kwakarurama.”
8
Mutumwa wechina akadururira ndiro yake pazuva rikabvumirwa kupisa vanhu nomoto.
9
Vanhu vakapiswa nokupisa kunotyisa kwazvo. Vakashonha zita raMwari aiva nesimba pamusoro pepfumvu uye havana kupinduka kuti vamurumbidze.
10
Mutumwa wechishanu akadururira ndiro yake pachigaro choumambo chechikara chiya. Umambo hwacho hwakava murima, vanhu vakazvirumaruma rurimi mukurwadziwa.
11
Vakashonha Mwari wedenga pamusana pokurwadziwa kwavo uye pamusana pamaronda avo asi havana kutendeuka pazviito zvavo.
12
Mutumwa wechitanhatu akadururira ndiro yake parukova rukuru rweYufuratesi mvura yarwo ikabva yapwa kugadzirira madzimambo okumabvazuva nzira.
13
Ndakaonawo mumuromo mezigaranyanya riya nomumuromo mechikara chiya uye nomumuromo womuporofita wenhema muchibuda mweya mitatu yakaipa yakaita samatatya.
14
Iyoyi mweya yakaipa inoita zvishamiso inofamba nenyika yose kumadzimambo apasi pano ichivakokorodzera hondo yapazuva guru raMwari Samasimbaose.
15
“Tarisai muone ndichauya sembavha; akakomborerwa munhu anenge akasvinura, achichengeta hanzu dzake kuti arege kufamba akadaro ari mutwi achionererwa.”
16
Mweya iyoyo ichaunganidza madzimambo aya kunzvimbo inonzi Amagedhoni muchiHebheru.
17
Mutumwa wechinomwe akadururira ndiro yake mumhepo, izwi guru rikabva muTemberi pachigaro choumambo richiti, “Zvaitika!”
18
Mheni yakavaima kukadhiriridza, kukaita mabhanan'ana kukava nokundengendeka kwapasi kusati kwamboitika kubvira kuvapo kwavanhu panyika. Hakusi kukura ikoko kokundengendeka kwacho.
19
Guta guru riya rakabva rakamurwa muzvikamu zvitatu maguta evechirudzi akaparara. Mwari haana kukanganwa guta guru reBhabhironi kuti rinofanira kunwa mukombe wehasha dzake huru.
20
Zvitsuwa zvose zvakatiza, kana makomowo akanyangarika.
21
Chivhuramahwe chairema makirogiramu makumi mana anamashanu chakawira vanhu chichibva mudenga kusvikira vanhu vashonha Mwari pamusana pepfumvu yechivhuramahwe, hakusi kutyisa ikoko kwepfumvu iyoyo.
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 17 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22