bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Hebrews 1
Hebrews 1
Shona SUB 2002 Bible
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 2 →
1
Mwari akataura kare kuna madzibaba muvaporofita nemigove mizhinji, uye nemitoo mizhinji,
2
zvino pakupedzisira kwamazuva ano akataura kwatiri muMwanakomana wake, waakaita mudyi wenhaka yezvinhu zvose, waakaitawo naye nyika;
3
iye chadzera chokubwinya kwake, nomufananidzo wake chaiye, anochengeta zvinhu zvose nezwi resimba rake, akati apedzisa kunatswa kwezvivi, akagara kurudyi rwoUmambo kudenga,
4
akapfuura vatumwa nokunaka saizvozvo, sezita raakagara nhaka yaro, rakanyanya kunaka kupfuura ravo.
5
Nokuti akambotaura kuna ani wavatumwa achiti, “Ndiwe Mwanakomana wangu, Nhasi ndakakubereka? Uyezve, Ndichava baba vake, Iye achava Mwanakomana wangu?”
6
Uye, kana achizouyisazve dangwe rake panyika, anoti, “Vatumwa vose vaMwari ngavamunamate.”
7
Napamusoro pavatumwa anoti, “Iye anoita vatumwa vake kuti vave mhepo, Navaranda vake, kuti vave murazvo womoto;”
8
Asi pamusoro poMwanakomana, anoti, “Chigaro chenyu choushe, imi Mwari, chiripo nokusingaperi–peri, Netsvimbo yokururama ndiyo tsvimbo youshe hwako.
9
Makada kururama, mukavenga kusarurama; Saka Mwari, iye Mwari wenyu, akakuzodzai Namafuta okufara kupfuura shamwari dzenyu.”
10
Uye, “Imi, Ishe, makateya nheyo dzenyika pakutanga, Nedenga ndiro basa ramaoko enyu;
11
Iro richapera, asi imi mucharamba muripo; Richasakara rose senguo;
12
Mucharipeta sechinofukwa, Senguo, rikashandurwa; Asi imi hamushanduki, namakore enyu haangagumi.”
13
Asi akambotaura kuna ani wavatumwa, achiti, “Gara kurudyi rwangu, Kusvikira ndichiita vavengi vako vave chitsiko chetsoka dzako?”
14
Ko havazi vose mweya inoshumira, yakatumwa kuzobata nokuda kwavanodya nhaka yokuponeswa here?
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13