bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Hebrews 4
Hebrews 4
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 5 →
1
Naizvozvo, chipikirwa chokupinda muzororo rake zvachichipo, tinofanira kutya kuti zvimwe kurege kuva nomumwe wenyu achawanikwa asingasviki ikoko.
2
Nokuti nesuwo takaparidzirwa Vhangeri, saivo; asi shoko ravakanzwa, harina kuvabatsira, nokuti harina kuvenganiswa nokutenda kwaivo vakanzwa.
3
Nokuti isu takatenda, tinopinda pazororo irero, sezvaakareva, achiti, “Naizvozvo ndakapika pakutsamwa kwangu, ndikati, ‘Havangapindi muzororo rangu.’ ” Kunyangwe mabasa ake akanga akwaniswa kubva pakuvambwa kwenyika.
4
Nokuti paneimwe nzvimbo akataura pamusoro pezuva rechinomwe, achiti, “Mwari wakazorora nezuva rechinomwe pamabasa ake ose;
5
napanozve; havangapindi muzororo rangu.”
6
Naizvozvo, shoko zvarichipo kuti vamwe vachapinda pariri, uye kuti avo vakaparidzirwa Vhangeri kare havana kupinda nokusateerera kwavo,
7
anotarazve rimwe zuva, rinonzi, “Nhasi” ndizvo zvaanotaura naDhavhidhi, nguva huru yakadai yapfuura, (sezvakwakambotaurwa kare, zvichinzi,) “Nhasi, kana muchinzwa izwi rake, Musaomesa mwoyo yenyu.”
8
Nokuti dai Joshua akanga avapa zororo, haazaizoreva rimwe zuva pashure.
9
Zvino zororo reSabata ravanhu vaMwari richipo.
10
Nokuti uyo akapinda muzororo rake, akazorora iye amene pamabasa ake, saMwari pana ake.
11
Naizvozvo ngatishingaire kuti tipinde muzororo irero, kuti munhu arege kuvapo anozowa achitevera nzira iyo yokusateerera.
12
Nokuti shoko raMwari ibenyu, rine simba, rinopinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri, rinobaya kusvikira panoparadzana mwoyo nomweya, namafundo nomongo; rinotonga mifungo nendangariro dzomwoyo.
13
Hakuna chisikwa chisingaonekwi naye, asi zvinhu zvose zvakafukurwa nokuzarurwa pameso aiye watinofanira kuzvidavirira kwaari.
14
Naizvozvo, zvatino Mupristi Mukuru kwazvo, akapinda napakati pokudenga, iye Jesu, Mwanakomana waMwari, ngatibatisise kupupura kwedu.
15
Nokuti hatina Mupristi Mukuru asingagoni kutinzwira tsitsi pautera hwedu, asi akaedzwa pazvinhu zvose sesu, asina zvivi.
16
Naizvozvo, ngatiswederei tisingatyi kuchigaro choushe chenyasha, kuti tinzwirwe ngoni, tiwane nyasha, tibatsirwe nenguva yakafanira.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13