bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Hebrews 2
Hebrews 2
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 3 →
1
Saka tinofanira kuteerera zvikuru izvo zvatakanzwa, kuti tirege kukukurwa.
2
Nokuti kana shoko rakanga rataurwa navatumwa, rakanga rakasimba, uye kana kudarika nokusateerera kwose kwakapiwa mubairo wakarurama,
3
ko isu tichatiza sei, kana tisina hanya nokuponeswa kukuru kwakadai? Uku kwakaparidzwa pakutanga naIshe, kukasimbiswa kwatiri naivo vakanzwa;
4
naiye Mwariwo achipupurirana navo nezviratidzo nezvinoshamisa, namabasa esimba mazhinji, nezvipo zvoMweya Mutsvene, nokuda kwake.
5
Nokuti nyika inozouya, yatinoreva, haana kuiisa pasi pavatumwa.
6
Asi mumwe akapupura kwazvo pane imwe nzvimbo, achiti, “Ko munhu chiiko, zvamunomufunga? Kana Mwanakomana womunhu, zvamunomushanyira?
7
Makamuita muduku zvishoma kuvatumwa, Makamushongedza korona yokubwinya nokukudzwa,
8
Mukaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake.” Nokuti pakuisa kwake zvinhu zvose pasi pake, haana kusiya chinhu chimwe, chisina kuiswa pasi pake. Asi zvino tigere kuona kuti zvinhu zvose zvakaiswa pasi pake.
9
Asi tinomuona, iye Jesu, akaitwa muduku zvishoma kuvatumwa, akashongedzwa korona yokubwinya nokukudzwa nokuda kwokutambudzika kworufu, kuti nenyasha dzaMwari anzwe rufu nokuda kwavose.
10
Nokuti zvakanga zvakafanira kuti iye, akaitirwa zvinhu zvose, uye akaita zvinhu zvose, pakuisa kwake vanakomana vazhinji pakubwinya, akwanise Mutungamiriri wokuponeswa kwavo nenzira yokutambudzika.
11
Nokuti uyo, anovaita vatsvene, naivo vanoitwa vatsvene, vose vakabva kuno mumwe; nemhaka iyi haana nyadzi kuvaidza hama,
12
Zvaanoti, “Ndichaparidzira hama dzangu zita renyu, Ndichakuimbirai pakati pechechi.”
13
Uyezve, “Ndichatenda kwaari.” Uyezve, “Tarira, ndini navana vandakapiwa naMwari.”
14
Naizvozvo, vana zvavakagoverwa ropa nenyama, naiyewo akagovana navo pana izvozvi; kuti nokufa kwake iye aparadze uyo ane simba rorufu, iye Dhiabhori;
15
agosunungura avo vaiva varanda paupenyu hwavo hwose nokuda kwokutya rufu.
16
Nokuti zvirokwazvo, haabatsiri vatumwa, asi anobatsira vana vaAbhurahamu.
17
Naizvozvo akafanira kuti aenzaniswe nehama dzake pazvinhu zvose, kuti ave Mupristi Mukuru ane ngoni, akatendeka pazvinhu zvaMwari, kuti adzikinure zvivi zvavanhu.
18
Nokuti zvaakatambudzika iye amene pakuedzwa kwake, anogona kubatsira vanoedzwa.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13