bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Hebrews 9
Hebrews 9
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 10 →
1
Zvino, neyiyi sungano yokutanga yakanga ine mirairo yokushumira Mwari nayo, neimba tsvene yenyika.
2
Nokuti tabhenakeri, yaiva yokutanga, yakagadzirwa, makanga mune chigadziko chemwenje, netafura, nezvingwa zvokuratidza; ndipo panonzi Patsvene.
3
Zvino mberi kweketeni rechipiri pakanga pane tabhenakeri yainzi Patsvene–tsvene;
4
pakanga pane ndiro yendarama yezvinonhuwira, neareka yesungano, yakanga yakanamwa nhivi dzose nendarama, imomo makanga mune hari yendarama, yakanga ine mana, netsvimbo yaAroni yakadeya kutungira, namahwendefa esungano;
5
pamusoro payo pakanga pana makerubhi okubwinya, akadzikatidza chifunhiro chengoni; hatigoni kurondedzera izvozvo tichiita chimwe–chimwe zvino.
6
Zvinhu izvi zvakati zvagadzirwa saizvozvo, vapristi vaipinda mutabhenakeri yokutanga nguva dzose, vachibata mabasa okushumira Mwari;
7
asi mune yechipiri Mupristi Mukuru aipinda ari oga, kamwechete pagore, asingapindi asina ropa, raaizvibayirira iye nezvivi zvavanhu;
8
Mweya Mutsvene achiratidza chinhu ichi, kuti nzira inoenda kunzvimbo tsvene yakanga isati yataridzwa, tabhenakeri yokutanga ichimire;
9
wakanga uri mufananidzo wenguva ino vanobayira nayo zvipo nezvibairo, zvisingagoni kukwanisa pahana yake iye anoshumira;
10
nokuti yaingova mirairo yenyama, yezvokudya, nezvokunwa, nokushamba kuzhinji, yavakatemerwa kusvikira panguva yokuvandudzwa.
11
Asi Kristu akati asvika ari Mupristi Mukuru wezvinhu zvakanaka zvinozouya, akapinda nomutabhenakeri yakapfuura pakukura napakukwana, isina kuitwa namaoko, ndiko kuti, isati iri yokusikwa kuno,
12
haana kupinda neropa rembudzi kana remhuru, asi neropa rake chairo, kamwechete, zvikapera, panzvimbo tsvene, akatiwanira rudzikinuro rusingaperi.
13
Nokuti kana ropa rembudzi nerenzombe namadota etsiru, kana zvichisaswa pamusoro pavakasvibiswa, zvichivaita vatsvene, kuti vanatswe panyama,
14
zvikuru sei ropa raKristu iye wakazviita noMweya usingaperi chibayiro kuna Mwari, chisina chachingapomerwa, richanatsa hana dzedu pamabasa akafa, kuti tishumire Mwari mupenyu.
15
Nemhaka iyo, iye ndiMurevereri wesungano itsva, kuti, rufu zvarwakasvika kuzodzikinura avo vakadarika pasungano yokutanga, vakadanwa vagopiwa chipikirwa chenhaka isingaperi.
16
Nokuti apo pane chido chenhaka, panofanira kuvapowo rufu rwaiye wakachiita.
17
Nokuti chido chenhaka chine simba kana vanhu vafa; nokuti haitongovi nesimba kana akachiita achiri mupenyu.
18
Naizvozvo nesungano yokutanga haina kuvambwa pasina ropa.
19
Nokuti zvirevo zvose zvakati zvataurwa kuvanhu vose naMosesi sezvakareva murairo, iye akatora ropa remhuru nerembudzi, pamwechete nemvura namakushe matsvuku, nehisopi, akasasa bhuku imene navanhu vose,
20
achiti, “Iri iropa resungano, yamakarayirwa naMwari.”
21
Uyezve, akasasa saizvozvo neropa tabhenakeri nemidziyo yose yokushumira nayo.
22
Zvirokwazvo, tingati pamurairo zvinhu zvinenge zvose zvinonatswa neropa; uye kana kusina ropa rinoteurwa, hakuna ruregerero.
23
Naizvozvo mifananidzo yezviri kudenga yaifanira kuti inatswe nezvibairo izvi; asi zvinhu zvokudenga zvimene kuti zvinatswe nezvibairo zvinopfuura izvi nokunaka.
24
Nokuti Kristu haana kupinda munzvimbo tsvene yakaitwa namaoko, inofananidza iyo iri chaiyo, asi akapinda kudenga kumene, kuti zvino azviise pamberi paMwari nokuda kwedu;
25
uye haana kupinda kuti azviite chibayiro kazhinji, somupristi mukuru anopinda munzvimbo tsvene gore rimwe nerimwe, akabata ropa rezvimwe zvinhu;
26
nokuti dai zvakanga zvakadaro, angadai aitambura kazhinji kubva pakuvambwa kwenyika; asi zvino akaonekwa kwamwechete pakupedzisira kwenguva, kuti aparadze zvivi, nokuzviita chibayiro kwake.
27
Uye vanhu zvavakatemerwa kuti vafe kamwechete, kutongeswa kugotevera,
28
saizvozvo Kristuwo, zvaakaitwa chibayiro kamwechete, kuti atakure zvivi zvavanhu vazhinji, achazoonekwa rwechipiri, asingatakuri zvivi, naivo vanomutarira kuti avaponese.
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13