bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Hebrews 7
Hebrews 7
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 8 →
1
Nokuti Merekizedheki uyo, mambo weSaremi, mupristi waMwari Wokumusorosoro, akasangana naAbhurahamu pakudzoka kwake andouraya madzimambo, akamuropafadza;
2
Abhurahamu akamupawo chegumi chezvose; iye pakutanga ari mambo wokururama, kana zvichishandurwa, uyezve, mambo weSaremi, ndokuti, mambo worugare;
3
asina baba, asina mai, asina madzisekuru, asina kutanga kwamadzisekuru, asina kutanga kwamazuva, kana kuguma kwoupenyu, asi akafananidzwa noMwanakomana waMwari, anogara ari mupristi nokusingaperi.
4
Zvino fungai kukura kwomunhu uyu, akapiwa natateguru Abhurahamu chegumi chezvaakapamba.
5
Zvino avo, vari vanakomana vaRevhi, vanopiwa basa roupristi, vakarayirwa nomurairo kuti vatore chegumi kuvanhu, iko kuhama dzavo, kunyangwe vakabva muchiuno chaAbhurahamu;
6
asi uyu, asina kuravirwa rudzi rwake kwavari, akapiwa zvegumi naAbhurahamu, akamuropafadza iye akanga ane zvipikirwa.
7
Zvino hatingarambi kuti muduku ndiye anoropafadzwa noanopfuura nokunaka.
8
Uye pano, vanhu vanofa, vanopiwa zvegumi; asi apo uyo anopiwa, anopupurirwa zvichinzi mupenyu.
9
Zvino tingati, naRevhi anopiwa zvegumi, iyewo akapa zvegumi naAbhurahamu;
10
nokuti akanga achiri muchiuno chababa vake, pakusangana kwaMerekizedheki naye.
11
Naizvozvo, kana kukwaniswa kwaivapo nenzira youpristi hwaRevhi (nokuti vanhu vakapiwa murairo nokuda kwahwo), ko mumwe mupristi aifanira kuzomuka seiko anorudzi naMerekizedheki, asinganzi ane rudzi naAroni?
12
Nokuti kana upristi huchisandurwa, nomurairo unofanira kuti ushandurwewo.
13
Nokuti uyo anorehwa zvinhu izvi pamusoro pake, akanga ari worumwe rudzi, rwakanga rusina munhu akambobata basa paatari.
14
Nokuti zvinoonekwa pachena, kuti Ishe wedu akabva kuna Judha; pamusoro porudzi urwu, Mosesi haana kureva zvavapristi.
15
Izvi zvinoratidzwawo kwazvo, kana kuchimuka mumwe mupristi akafanana naMerekizedheki,
16
asina kuitwa mupristi nomurairo wokurayira kwenyama, asi nesimba roupenyu husingapedzwi.
17
Nokuti iye anopupurirwa, zvichinzi, “Iwe uri mupristi nokusingaperi, Anorudzi naMerekizedheki.”
18
Nokuti murau wokutanga unokoneswa nokuda kwoutera hwawo, uye nokuti hauna maturo,
19
(nokuti murairo hauna kukwanisa chinhu), zvino tariro, inopfuura nokunaka, ikaiswapo, yatinoswedera nayo kuna Mwari.
20
Uyezve, zvaasina kuitwa mupristi kusina mhiko;
21
nokuti ivo vakaitwa vapristi kusina mhiko, asi iye nokupika kwaiye, akati kwaari, “Ishe akapika, haangazvidyi mwoyozve, achiti, ‘Iwe uri mupristi nokusingaperi.’ ”
22
Saizvozvo Jesu akaitwa rubatso rwesungano inopfuura nokunaka.
23
Ivo vaiva vapristi vazhinji, nokuti vakadziviswa norufu kugara nokusingaperi;
24
asi iye, zvaanogara nokusingaperi, anoupristi husingapfuudzwi kuno mumwe.
25
Naizvozvo ane simba rokuponesa kwazvo–kwazvo avo vanoswedera kuna Mwari naye, zvaanorarama nokusingaperi kuti avareverere.
26
Nokuti Mupristi Mukuru akadai ndiye ataifanira kuva naye, mutsvene, asina chakaipa, asina kusvibiswa, akaparadzaniswa navatadzi, akakwidzwa kumusoro kwedenga;
27
asingafaniri, savaya vapristi vakuru, kubayira zuva rimwe nerimwe, pakutanga pamusoro pezvivi zvavo, pashure pamusoro pezvivi zvavanhu; nokuti akaita izvozvi kamwechete, zvikapera, pakuzviita kwake chibayiro.
28
Nokuti murairo unogadza vanhu vanoutera, kuti vave vapristi vakuru; asi shoko rokupika, rakatevera murairo, rinogadza Mwanakomana, akakwaniswa nokusingaperi.
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13