bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Joshua 1
Joshua 1
Shona SUB 2002 Bible
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 2 →
1
Zvino Mosesi, muranda waJehovha, wakati afa, Jehovha akataura naJoshua, mwanakomana waNuni, muranda waMosesi, akati,
2
“Mosesi, muranda wangu wafa; zvino simuka iwe uyambuke Jodhani urwu, iwe navanhu ava vose, muende kunyika yandinovapa ivo vana VaIsiraeri.
3
Nzvimbo imwe neimwe ichatsikwa netsoka dzenyu ndakakupai iyo, sezvandakataura naMosesi.
4
Kubva murenje reRebhanoni iri, kusvikira parwizi rukuru, irwo rwizi Yufuretesi, nenyika yose yaVaHeti, kusvikira kugungwa guru, kurutivi rwamavirazuva, ndiyo nyika yenyu.
5
Hakuna munhu uchagona kumira pamberi pako mazuva ose oupenyu hwako; ndichava newe sezvandaisiva naMosesi; handingakuregi kana kukusiya.
6
Simba, utsunge mwoyo, nokuti uchagarisa vanhu ava nhaka yandakapikira madzibaba avo, kuti ndichavapa iyo, ive yavo.
7
Asi usimbe nokutsunga mwoyo kwazvo, kuti uchenjere kuita murairo wose wandakaraira Mosesi muranda wangu; usatsauka kwauri, kana kurudyi kana kuruboshwe, kuti uve nomufaro pose paunoenda,
8
Bhuku iyi roMurairo harifaniri kubva pamuromo wako, asi unofanira kurirangarira masikati nousiku, kuti uchenjere kuita zvose zvakanyorwamo; nokuti nokudaro uchazviwanira mufaro panzira yako nokubata nokuchenjera.
9
Ko handina kukuraira here? Simba, utsunge mwoyo; usatya kana kuvhunduswa, nokuti Jehovha Mwari wako unewe kwose kwaunoenda.”
10
Ipapo Joshua akaraira vatariri vavanhu, akati,
11
“Pindai napakati pemisasa, muraire vanhu, muti, ‘Zvigadzirirei mbuva, nokuti mazuva matatu achigere kupera muchafanira kuyambuka Jodhani urwu, kuti mupinde panyika iyo yamunopiwa naJehovha Mwari wenyu, ive yenyu.’ ”
12
Joshua akataura navaRubheni navaGadhi, nokuhafu yorudzi rwaManase, akati,
13
“Rangarirai shoko ramakarairwa naMosesi, muranda waJehovha, achiti, ‘Jehovha Mwari wenyu uchakupai zororo, nokukupai nyika iyi.’
14
Vakadzi venyu nepwere dzenyu nezvipfuwo zvenyu zvichasara panyika yamakapiwa naMosesi nechouno mhiri kwaJodhani, asi imi varume vose vane simba noumhare munofanira kuyambuka pamberi pehama dzenyu makashonga nhumbi dzokurwa, muvabatsire;
15
kusvikira Jehovha apa hama dzenyu zororo semi, nenyika yavanopiwa naJehovha Mwari wenyu ive yavo; ipapo mungadzokera kunyika yenyu, yamakapiwa naMosesi, muranda waJehovha, iri nechouno mhiri kwaJodhani kumabvazuva, kuti ive yenyu.”
16
Vakapindura Joshua, vakati, “Zvose zvamunotiraira, tichazviita, pose pamunotituma tichaendapo.
17
Sezvataiteerera Mosesi pazvose, saizvozvo tichakuteererai nemiwo; Jehovha Mwari wenyu ngaave nemi, sezvaaiva naMosesi.
18
Ani naani unomukira murairo wenyu, asingadi kuteerera mashoko enyu pazvose zvamunoraira, iye uchaurayiwa; asi simbai mutsunge mwoyo.”
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24