bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Joshua 4
Joshua 4
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 5 →
1
Zvino rudzi rwose rwakati rwapedza kuyambuka Jodhani, Jehovha akataura naJoshua, akati,
2
“Uzvitorere varume vane gumi navaviri kuvanhu, mumwe mumwe parudzi rumwe norumwe;
3
ugovaraira, uchiti, ‘Pano pakati paJodhani, pakaramba pamire tsoka dzavapristi muzvitorere mabwe ane gumi namaviri, muyambuke munoaisa pavato, pamuchanorara usiku huno.’ ”
4
Ipapo Joshua akadana varume avo vane gumi navaviri, vaakanga agadza pakati pavana VaIsiraeri, mumwe mumwe parudzi rumwe norumwe,
5
Joshua akati kwavari, “Tungamirirai areka yaJehovha Mwari wenyu, muyambuke kusvikira pakati paJodhani, mumwe nomumwe wenyu anonge ibwe ariise pafudzi rake, aenzane namarudzi avana VaIsiraeri.
6
Kuti chinhu ichi chive chiratidzo pakati penyu, kuti kana vana venyu vachizobvunza pashure, vachiti, ‘Mabwe aya anoti kudiniko?’
7
Imi muti kwavari, ‘Nokuti mvura yaJodhani yakagurwa pamberi peareka yesungano yaJehovha; nguva yayakayambuka Jodhani, mvura yaJodhani yakagurwa; mabwe awa achava chirangaridzo pakati pavana VaIsiraeri nokusingaperi.’ ”
8
Vana VaIsiraeri vakaita sezvavakarairwa naJoshua, vakanonga mabwe ane gumi namaviri pakati paJodhani, sezvakataura Jehovha kuna Joshua, akaenzana namarudzi avana VaIsiraeri, vakayambuka nawo, vakaatakura, kusvikira pavakandovata, vakaaisapo.
9
Zvino Joshua akamisa mabwe ane gumi namaviri mukati maJodhani, pakanga pamire tsoka dzavapristi vaitakura areka yesungano; aripo kusvikira nhasi.
10
Nokuti vapristi vakanga vakatakura areka vakamira mukati maJodhani kusvikira zvose zvapera zvakanga zvarairwa Joshua naJehovha, kuti azviudze vanhu, zvose zvakanga zvarairwa Joshua naMosesi; vanhu vakakurumidza kuyambuka.
11
Zvino vanhu vose vakati vapedza kuyambuka, areka yaJehovha ikayambukawo, navapristi pamberi pavanhu.
12
Navana vaRubheni, navana vaGadhi, nehafu yorudzi rwaManase, vakayambuka pamberi pavanhu, vakashonga nhumbi dzokurwa, sezvavakaudzwa naMosesi.
13
Vanenge vane zviuru zvina makumi mana, vakanga vakashonga nhumbi dzokurwa, ndivo vakayambuka pamberi paJehovha, vakaenda kumapani eJeriko kundorwa.
14
Nomusi uyo Jehovha akakudza Joshua pamberi paVaIsiraeri vose; vakamutya sezvavaitya Mosesi mazuva ose oupenyu hwake.
15
Zvino Jehovha akataura naJoshua, akati,
16
“Raira vapristi vanotakura areka yechipupuriro, kuti vakwire vabude mukati maJodhani.”
17
Naizvozvo Joshua akaraira vapristi, akati, “Kwirai, mubude mukati maJodhani.”
18
Zvino vapristi vakanga vakatakura areka yesungano yaJehovha vakati vakwira vabuda mukati maJodhani, netsoka dzavapristi dzasimudzwa dzasvika pasi pakaoma, mvura yaJodhani ikadzokera panzvimbo yayo, ikadarika nhivi dzarwo dzose sakare.
19
Vanhu vakakwira vakabuda paJodhani pazuva regumi romwedzi wokutanga, vakadzika matende avo muGirigari, pamuganhu wamabvazuva eJeriko.
20
Joshua akamisa aya mabwe ane gumi namaviri avakanonga muJodhani paGirigari.
21
Akataura navana VaIsiraeri, akati, “Kana vana venyu vachizobvunza madzibaba avo panguva inouya, vachiti, ‘Mabwe awa anoti kudiniko?’
22
Imi munofanira kuzivisa vana venyu, muchiti, ‘Isiraeri vakayambuka Jodhani urwu vachitsika pasi pakaoma.’
23
Nokuti Jehovha Mwari akapwisa mvura yaJodhani pamberi penyu, kusvikira mayambuka, sezvaakaita iye Jehovha Mwari wenyu paGungwa Dzvuku, raakapwisa pamberi pedu, kusvikira tayambuka;
24
kuti ndudzi dzose dzenyika dzizive kuti ruoko rwaJehovha ndirwo rune simba; kuti vatye Jehovha Mwari wenyu nokusingaperi.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24