bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Joshua 2
Joshua 2
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 3 →
1
Zvino Joshua, mwanakomana waNuni, wakatuma varume vaviri pakavanda, vachibva Shitimi, kuti vanosora, vachiti, “Endai mundotarira nyika neJeriko.” Vakaenda, vakapinda muimba yechifeve, chainzi Rahabhu, vakavatapo.
2
Zvino mambo weJeriko akaudzwa, zvichinzi, “Tarirai, varume vevana VaIsiraeri vakapinda muno usiku huno kuzoshora nyika.”
3
Zvino mambo weJeriko akatuma shoko kuna Rahabhu, akati, “Budisa varume vakasvika kwauri, vapinda mumba mako, nokuti vauya kuzosora nyika yose.”
4
Mukadzi akatora varume avo vaviri, akavavanza, akati, “Hongu, varume vakasvika havo kwandiri, asi ndakanga ndisingazivi kuti vaibvepi.
5
Zvino nenguva yokupfigwa kwesuwo, kwasviba, varume vakabudazve; kwavakazoenda ivo varume, ini handikuzivi; kurumidzai kuvatevera, nokuti mungandovabata.”
6
Asi wakanga avakwidza pamusoro pedenga, akavavanza pasi poutanda hwamasosoori, hwakanga hwakarongwa naye padenga.
7
Varume vakavateverera nenzira inoenda Jodhani, kusvikira kumazambuko; zvino vakavatevera vakati vabuda, suwo rikazarirwa.
8
Zvino vachigere kuvata, Rahabhu ndokukwira kwavari pamusoro pedenga,
9
akati kuvarume, “Ndinoziva kuti Jehovha akakupai nyika, tinokutyai kwazvo, vanhu vose vagere munyika vavhunduka pamberi penyu.
10
Nokuti takanzwa kuti Jehovha akapwisa mvura yeGungwa Dzvuku pamberi penyu, nguva yokubuda kwenyu Ijipiti, nezvamakaitira madzimambo maviri aVaAmori, vakanga vari mhiri kwaJodhani, ivo Sihoni naOgi, vamakaparadza chose.
11
Zvino pakarepo takati tichinzwa izvozvo mwoyo yedu ikavhunduka, hakuna munhu uchinokutsunga pamwoyo pake nokuda kwenyu, nokuti Jehovha Mwari wenyu, ndiye Mwari kudenga kumusoro napanyika pasi.
12
Naizvozvo zvino ndipikirei henyu naJehovha, kuti zvandakakuitirai zvakanaka, nemiwo muchaitira imba yababa vangu zvakanaka; mundipeiwo chiratidzo chakasimba,
13
kuti muchararamisa baba vangu namai vangu nehanzvadzi dzangu navanun'una vangu, nezvose zvavanazvo, nokurwira upenyu hwedu parufu.”
14
Ipapo varume vakati kwaari, “Isu ngatife panzvimbo yenyu, kana musingabudisi pachena basa redu iri; kana Jehovha achitipa nyika iyi, tichakuitira zvakanaka nezvokwadi.”
15
Ipapo akavaburusira pasi nebote napahwindo, nokuti imba yake yakanga iri pamusoro porusvingo rweguta, naiye wakanga agere pamusoro porusvingo.
16
Akati kwavari, “Tizirai henyu kumakomo, kuti vateveri verege kusangana nemi, muvandepo mazuva matatu, kusvikira vateveri vadzoka; pashure mungaenda henyu.”
17
Zvino varume vakati kwaari, “Hatingasungwi nemhiko yako iyi yawakatipikisa.
18
Tarira, nguva yatinopinda panyika ino, unofanira kusungira bote iri dzvuku rakakoswa pahwindo pawakatiburusira pasi napo; unofanirawo kuunganidza mumba mako baba vako, namai vako, nehanzvadzi dzako, navose veimba yababa vako.
19
Zvino ani naani unobuda kunze kwemikova yeimba yako, ropa rake richava pamusoro pomusoro wake, asi isu hatingavi nemhosva; ani naani unewe mumba mako, ropa rake richava pamusoro pemisoro yedu, kana akaitirwa zvakaipa noruoko rwomunhu.
20
Asi kana ukabudisa pachena basa redu iri, isu hatingasungwi nemhiko yako yawakatipikisa.”
21
Iye akati, “Ngazviitwe sezvamakataura;” akavaendesa, vakabva, iye ndokusungira bote dzvuku pahwindo.
22
Ivo vakaenda, vakasvika kumakomo, vakagarapo mazuva matatu, kusvikira vateveri vadzoka; vateveri vakavatsvaka panzira iyo yose, asi havana kuvawana.
23
Zvino varume avo vaviri vakadzoka, vakaburuka pamakomo, vakayambuka, vakasvikazve kuna Joshua, mwanakomana waNuni; vakamuudza zvose zvavakanga vaitirwa.
24
Vakati kuna Joshua, “Zvirokwazvo, Jehovha wakaisa nyika yose mumaoko edu; uye vanhu vose vagere panyika iyo vavhunduka pamberi pedu.”
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24