bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Joshua 3
Joshua 3
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 4 →
1
Zvino Joshua akamuka mangwanani, vakabva Shitimi, vakasvika paJodhani, iye navana VaIsiraeri vose; vakavatapo vasati vayambuka.
2
Mazuva matatu akati apera, vatariri vakapinda napakati pemisasa,
3
vakaraira vanhu, vachiti, “Kana muchiona areka yesungano yaJehovha Mwari wenyu, navapristi vaRevhi voitakura, munofanira kusimuka pamugere, nokuitevera.
4
Asi munofanira kusiya nzvimbo pakati penyu naiyo, inosvika makubhiti anenge zviuru zviviri; regai kuswedera kwairi, kuti muzive nzira yamunofanira kuenda nayo; nokuti mugere kumbofamba nenzira iyi.”
5
Zvino Joshua akati kuvanhu, “Zvinatsei, nokuti mangwana Jehovha uchaita zvinoshamisa pakati penyu.”
6
Joshua akataura navapristi, akati, “Simudzai areka yesungano, mutungamirire vanhu pakuyambuka.” Ivo vakasimudza areka yesungano, vakatungamirira vanhu.
7
Ipapo Jehovha akati kuna Joshua, “Nhasi ndichatanga kukukudza pamberi paVaIsiraeri vose, vazive kuti ndichava newe, sezvandaisiva naMosesi.
8
Iwe unofanira kuraira vapristi kuti vatakure areka yesungano, uchiti, ‘Kana masvika parutivi rwemvura yaJodhani, munofanira kumira muJodhani.’ ”
9
Zvino Joshua akati kuvana VaIsiraeri, “Uyai pano, munzwe mashoko aJehovha Mwari wenyu.”
10
Joshua akati, “Muchaziva nechinhu ichi kuti Mwari mupenyu uri pakati penyu, uye kuti uchadzinga zvirokwazvo pamberi penyu VaKenani, naVaHeti, naVaHivhi, naVaPerezi, naVaGirigashi, naVaAmori, naVaJebhusi.
11
Tarirai, areka yesungano yaishe wenyika yose inokutungamirirai pakuyambuka Jodhani.
12
Naizvozvo zvino muzvitorerei varume vane gumi navaviri pamarudzi ose aVaIsiraeri, mumwe mumwe parudzi rumwe norumwe.
13
Zvino kana tsoka dzavapristi vanotakura areka yaJehovha, Ishe wenyika yose dzichitsika mumvura yaJodhani, mvura yaJodhani ichagurwa, iyo mvura inobva kumusoro; ichamira, ikaita murwi mukuru.”
14
Zvino vanhu vakati vachibva pamatende avo, kuti vayambuke Jodhani, vapristi vaitakura areka vakatungamirira vanhu;
15
zvino vakanga vakatakura areka vakati vachisvika paJodhani, netsoka dzavapristi vakanga vakatakura areka dzichinyikwa pamucheto wemvura, (nokuti Jodhani runofashamira nhivi dzarwo dzose nguva yose yokukohwa,)
16
mvura yakanga ichibva kumusoro ikamira, ikaita murwi mukuru, kusvikira kure-kure paAdhama, guta riri kurutivi rweZaretani; neyakanga ichiyerera kugungwa reArabha, ndiro Gungwa roMunyu, yakagurwa chose; vanhu vakayambuka pakatarisana neJeriko.
17
Vapristi vakanga vakatakura areka yesungano yaJehovha vakaramba vamire pasi pakaoma pakati paJodhani; VaIsiraeri vose vakayambuka pavhu rakaoma kusvikira rudzi rwose rwapedza kuyambuka Jodhani.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24