bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Joshua 19
Joshua 19
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 20 →
1
Mugove wechipiri wakapiwa Simioni, irwo rudzi rwavana vaSimioni nemhuri dzavo; nhaka yavo yakanga iri pakati penhaka yavana vaJudha.
2
Panhaka yavo vakanga vane Bheeri–shebha, kana Shebha, neMoradha,
3
neHazari–shuari, neBhara, neEzemi,
4
neEritoradhi, neBheturi, neHoma,
5
neZikiragi, neBheti–marikabhoti, neHazari–susa,
6
neBheti–rebhaoti, neSharuheni; maguta ane gumi namatatu nemisha yawo.
7
Aini, neRimoni, neEteri, neAshani; maguta mana nemisha yawo;
8
nemisha yose yakapoteredza maguta iwayo kusvikira paBhaarati–bheeri, raiva Rama rezasi. Ndiyo yakanga iri nhaka yorudzi rwavana vaSimioni nemhuri dzavo.
9
Nhaka yavana vaSimioni yakanga yatorwa pamugove wavana vaJudha, nokuti mugove wavana vaJudha wakanga uri mukurusa; naizvozvo vana vaSimioni vakapiwa nhaka pakati penhaka yavo.
10
Mugove wechitatu wakapiwa vana vaZebhuruni, nemhuri dzavo; muganhu wenhaka yavo wakasvika paSaridhi.
11
Muganhu wavo wakakwira kumavirazuva, kusvikira paMarara, ndokusvikira paDhabhesheti, ndokusvikira kurukova rwaiva pamberi peJokineamu;
12
kubva paSaridhi wakadzokera kumabvazuva, kunobuda zuva, kusvikira kumuganhu weKisiroti–tabhori, ndokubudira kuDhabherati, ndokukwira Jafia;
13
kubva ipapo wakapfuura kumabvazuva uchienda Gati–heferi, kusvikira paEti–kazini, ndokuguma paRimoni, rinosvika paNea;
14
zvino muganhu ndokudzoka kurutivi rwokumusoro, ndokuenda Hanatoni, ndokuguma pamupata weIfitaeri;
15
neKatati, neNaharari, neShimuroni, neIdhara, neBhetirehemu; maguta ane gumi namaviri nemisha yawo.
16
Ndiyo yakanga iri nhaka yavana vaZebhuruni, nemhuri dzavo, maguta iwayo nemisha yawo.
17
Mugove wechina wakapiwa Isakari, ivo vana vaIsakari, nemhuri dzavo.
18
Muganhu wavo wakasvika paJezireeri, neKesuroti, neShunemi,
19
neHafaraimi, neShioni, neAnaharoti,
20
neRabhiti, neKishioni, neEbhesi,
21
neRemeti, neEni–ganimi, neEni–hadha, neBheti–pazezi;
22
muganhu ukasvika paTabhori, neShahazuma, neBheti–shemeshi; muganhu ndokugumira paJodhani; maguta ane gumi namatanhatu nemisha yawo.
23
Ndiyo yakanga iri nhaka yorudzi rwavana vaIsakari nemhuri dzavo, maguta nemisha yawo.
24
Mugove wechishanu wakapiwa rudzi rwavana vaAshuru nemhuri dzavo.
25
Muganhu wavo wakanga uri: Herikati, neHari, neBheteni, neAkishafi,
26
neAramereki, neAmadhi, neMishari, ndokusvikira paKarimeri kumavirazuva, nokuShihori–ribhinati;
27
ndokudzokera kumabvazuva kuBheti–dhagoni ndokusvikira kwaZebhuruni, nokumupata weIfitaeri kumusoro, kusvikira paBheti–emeki, neNeyeri, nokubudira paKabhuri kuruboshwe,
28
neEbhuroni, neRehobhi, neHamoni, neKana, kusvikira paZidhoni guru;
29
zvino muganhu ndokudzokera kuRama, nokuguta reTaya rakakombwa norusvingo; muganhu ndokudzokera Hosa, ndokuguma pagungwa panyika yeAkizibhi;
30
uye Uma, neAfeki, neRehobhu; maguta makumi maviri namaviri nemisha yawo.
31
Ndiyo yakanga iri nhaka yorudzi rwavana vaAshuru, nemhuri dzavo maguta iwaya nemisha yawo.
32
Mugove wechitanhatu wakapiwa vana vaNafutari, ivo vana vaNafutari nemhuri dzavo.
33
Muganhu wavo wakabva paHerefi, kubva pamuoki weZaananimi, neAdhami–nekebhi, neJabhuneeri, kusvikira paRakumi, ndokuguma paJodhani;
34
ipapo muganhu wakadzoka kumabvazuva, ndokuenda Azinoti–tabhori; ndokubvapo, ndokuenda Hukoki; ndokusvika kwaZebhuruni kurutivi rwezasi, ndokusvika kwaAshuru kumavirazuva, ndokusvika kwaJudha paJodhani kumabvazuva.
35
Maguta akanga akakombwa namasvingo akanga ari Zidhimu, neZera, neHamati, neRakati, neKinereti,
36
neAdhama, neRama, neHazoru,
37
neKedheshi, neEdhirei, neEni–harori,
38
neIroni, neMigadhari–eri, neHoremu, neBheti–anati, neBheti–shemeshi; maguta ane gumi namapfumbamwe, nemisha yawo.
39
Ndiyo yakanga iri nhaka yorudzi rwavana vaNafutari nemhuri dzavo, maguta iwaya nemisha yawo.
40
Mugove wechinomwe wakapiwa rudzi rwavana vaDhani nemhuri dzavo.
41
Muganhu wenhaka yavo wakanga uri Zora, neEshitaori, neIri–shemeshi;
42
neShaarabhini, neAjaroni, neItira,
43
neEroni, neTimuna, neEkironi,
44
neEriteke, neGibhetoni, neBhaarati,
45
neJehudhi, neBheni–bheraki, neGati–rimoni,
46
neMe–jarikoni, neRakoni, nenyika yakatarisana neJopa.
47
Asi nyika yavana vaDhani yakanga iri dukusa; naizvozvo vana vaDhani vakandorwa neReshemi, vakarikunda, vakariparadza neminondo inopinza, vakapiwa guta iro, vakagaramo; vakatumidza Reshemi zita rinonzi Dhani, zita rababa vavo Dhani.
48
Ndiyo yakanga iri nhaka yorudzi rwavana vaDhani nemhuri dzavo, namaguta iwaya nemisha yawo.
49
Naizvozvo vakapedza kugovera nyika, yakanga iri nhaka yavo nemiganhu yayo; vana VaIsiraeri vakapa Joshua mwanakomana waNuni nhaka yake pakati pavo;
50
sezvavakanga varairwa naJehovha, vakamupa guta raakakumbira, Timunati–sera, panyika yamakomo yaEfuremu; akavaka guta iro, akagaramo.
51
Ndidzo nhaka dzakagoverwa nemijenya paShiro pamberi paJehovha, pamukova wetende rokusangana, nomupristi Eriazari, naJoshua mwanakomana waNuni, navakuru vedzimba dzamadzibaba amarudzi avana VaIsiraeri, kuti dzive nhaka dzavo. Naizvozvo vakapedza kugovera nyika.
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 20 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24