bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
1 Thessalonians 1
1 Thessalonians 1
Shona 2009?
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 2 →
1
Pauro, naSivhano, naTimotio, kukereke yavaTesaronika, iri munaMwari, Baba, naShe Jesu Kristu: Nyasha ngadzive nemwi norugare zvinobva kuna Mwari baba vedu naShe Jesu Kristu.
2
Tinovonga Mwari nguva dzose nokuda kwenyu mose, tichikurangarirai pakunyengetera kwedu;
3
tichiramba tichirangarira basa renyu rinobva pakutenda, nokutamburira vamwe kunobva parudo, nokutsungirira kunobva patariro munaShe wedu, Jesu Kristu, pamberi paMwari, Baba vedu;
4
tinoziva, hama dzinodikamwa naMwari, kusanangurwa kwenyu.
5
Nokuti evhangeri yedu haina kuvuya kwamuri neshoko bedzi, asi nesimbavo, noMweya Mutsvene, nokuziva kwazvo; sezvamunoziva kuti takanga takadini pakati penyu nokuda kwenyu.
6
nemwi makava vateveri vedu navaShe, zvamakagamuchira Shoko mumatambudziko mazhinji, nomufaro woMweya Mutsvene;
7
naizvozvo makatungamirira vose vanotenda muMakedhonia neAkaya.
8
Nokuti shoko raShe, rakabva kwamuri, rakanzwika, kusati kuri kuMakedhonia neAkaya bedzi, asi kutenda kwenyu kunaMwari kwakasvika kose; naizvozvo hatifaniri kutaura chinhu.
9
Nokuti ivo vamene vanoparidza kupinda kwedu kwamuri, kuti kwakanga kwakadini; vuye, kuti makatendevukira kunaMwari, muchibva pazvifananidzo, kuti mubatire Mwari mupenyu wechokwadi,
10
nokumirira Mwanakomana wake pakubva kwake kudenga, iye wakamutswa kuvakafa, ndiye Jesu unotisunungura pakutsamwa kunovuya.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5