bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
1 Thessalonians 5
1 Thessalonians 5
Shona 2009?
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
1
Asi kana dziri nguva nemisi, hama dzangu, hamufaniri henyu kuti munyorerwe chinhu;
2
nokuti imwi mumene munoziva kwazvo, kuti zuva raShe rinosvika sembavha vusiku.
3
Kana vachiti, Rugare, nokugarika ipapo kuparadzwa kuchakurumidza kuvawira, sokurwadzwa komukadzi unemimba; havangatongopukunyuki.
4
Asi imi, hama dzangu, hamuzi murima, kuti zuva iro rikubatei sembavha.
5
Nokuti imwi mose muri vana vechiedza, navana vamasikati; hatizi vovusiku, kana verima.
6
Naizvozvo ngatirege kuvata savamwe, asi tirinde, tisvinure.
7
Nokuti vanovata, vanovata vusiku; vanobatwa nedoro, vanobatwa vusiku.
8
Asi isu, zvatiri vamasikati, ngatisvinuke, takapfeka chidzitiro chechifuva chokutenda norudo; nengowani ive tariro yoruponeso.
9
Nokuti Mwari haana kutiisira kutsamwa, asi kuti tiwane ruponeso naShe wedu Jesu Kristu,
10
wakatifira isu, kuti, kana tichirinda, kana tichivata, tirarame pamwe chete naye.
11
Saka nyaradzanai, musimbisane, sezvamunoita.
12
Zvino tinokumbira kwamuri, hama dzangu, kuti muzive avo vanobata pakati penyu, vanokutungamirirai munaShe, vanokurairai;
13
muvakudze zvikuru norudo, nokuda kwebasa ravo. Ivai norugare pakati penyu.
14
Tinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, kuti muraire vasingateereri murairo, musimbise vanopera moyo, mutsigire vasinesimba, muve nomoyo murefu kunavose.
15
Chenjerai kuti mumwe arege kutsiva mumwe zvakaipa nezvakaipa; asi nguva dzose mutevere zvinhu zvakanaka, mumwe kuno mumwe, nokunavose.
16
Farai nguva dzose.
17
Rambai muchinyengetera.
18
Vongai pazvinhu zvose; nokuti ndiko kuda kwaMwari kwamuri munaKristu Jesu.
19
Musadzima Mweya;
20
musazvidza zvinoporofitwa;
21
idzai zvinhu zvose; mubatisise zvakanaka;
22
regai marudzi ose ezvakaipa.
23
Mwari worugare amene ngaakuitei vatsvene kwazvo; Mweya wenyu, nomoyo, nomuviri, zvichengetwe kwazvo, zvisina zvazvingapomerwa pakuvuya kwaShe wedu Jesu Kristu.
24
wakatendeka ndiye unokudanai, uchazviitavo.
25
Hama dzangu tinyengetererei.
26
Kwazisai hama dzose nokusveta kutsvene.
27
Ndinokupikirai naShe, kuti mwadhi iyi iverengerwe hama tsvene dzose.
28
Nyasha dzaShe wedu Jesu ngadzive nemi.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
All chapters:
1
2
3
4
5