bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
1 Thessalonians 2
1 Thessalonians 2
Shona 2009?
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 3 →
1
Nokuti Nemi, hama dzangu, munoziva kuti kupinda kwedu kwamuri hakuna kuva pasina.
2
Asi kunyange takatambudzika nokuitirwa zvakaipa paFiripi, sezvamunoziva, takatsunga munaMwari wedu, tikakuparidzirai evhangeri yaMwari pakati pokudziviswa kukuru.
3
Nokuti kuraira kwedu hakuna kubva pakurashika, kana pakufunga kwakaipa, kana pakunyengera;
4
asi sezvatakatendiwa naMwari, kuti tipiwe evhangeri, ndizvo zvatinotaura; tisingaiti kuti tifadze vanhu, asi Mwari unoidza moyo yedu.
5
Nokuti, sezvamunoziva, hatina kutongoreva namashoko okubata kumeso, kana namano-mano okukarira fuma, Mwari chapupu;
6
tisingatsvaki kukudzwa navanhu kana nemi, kana navamwe, kunyange taigona kukuremedzai, zvatiri vapositora vaKristu.
7
Asi takanga tiri vanyoro pakati penyu, somureri kana achivaraidza vana vake;
8
saizvozvo takakushuvai kwazvo, tikati zvakanaka kuti tirege kugovana nemwi evhangeri yaMwari bedzi, asi kunyange nemweya yeduvo, nokuti makanga madikamwa nesu kwazvo.
9
Nokuti, hama dzangu, munorangarira kutambudzika nokurwa kwedu; taibata vusiku namasikati, kuti tirege kuremedza mumwe wenyu, tikakuparidzirai evhangeri yaMwari.
10
imwi muri zvapupu, naMwarivo, kuti taifamba novutsvene nokururama, tisina chatingapomerwa kwamuri, imwi vanotenda.
11
Sezvamunoziva, kuti takaita nemi, mumwe nomumwe wenyu, sababa vanoita navana vavo,
12
tichikurairai, tichikusimbisai, tichikupupurirai, kuti mufambe zvakafanira Mwari, iye unokudanirai kuvushe bwake nokubwinya kwake.
13
Saka isuvo tinoramba tichivonga Mwari, kuti panguva yamakagamuchira shoko, iro shoko raMwari, ramakanzwa kwatiri, hamuna kurigamuchira seshoko ravanhu, asi seshoko raMwari, (riri iro zvirokwazvo) rinobatavo mukati menyu, imwi munotenda.
14
Nokuti imi, hama dzangu, makava vateveri vekereke dzaMwari dziri muJudhiya munaKristu Jesu; nokuti nemivo makatambudzwa saizvozvo novokwenyu, sezvavakatambudzwa ivo navaJudha,
15
Ndivo vakavuraya Ishe Jesu navaporofita, vakatidzinga isu, vasingafadzi Mwari, vachirwa navanhu vose.
16
vanotidzivisa kuti tirege kuparidzira vahedheni, kuti vaponeswe; kuti varambe vachizadzisa zvivi zvavo; asi kutsamwa kwakaburukira pamusoro pavo kusvikira pakuguma.
17
Zvino isu, hama dzangu, zvatakaparadzaniswa nemwi chinguva chiduku pamuviri, pasati pari pamoyo, takashingairira zvikuru nokushuva kukuru kuti tivonane nemwi pachiso;
18
naizvozvo taida kuvuya kwamuri, ini Pauro, kamwe uye zve rwechipiri, asi Satani wakatidzivisa.
19
Nokuti tariro yedu ndeipiko, kana mufaro, kana korona yokuzvirumbidza nayo? Hamuzimi here, pamberi paShe wedu Jesu Kristu pakuvuya kwake?
20
Nokuti imwi muri kubwinya kwedu nomufaro wedu.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5