bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
1 Thessalonians 3
1 Thessalonians 3
Shona 2009?
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 4 →
1
Saka zvatakanga tisingagoni kutsunga, takati zvakanaka kuti tisiyiwe tiri toga paAtene;
2
tikatuma Timotio, hama yedu, mushumiri waMwari paevhangeri yaKristu, kuti akusimbisei, nokukutsungisai moyo pakutenda kwenyu;
3
kuti kurege kuva nomunhu unozununguswa nenhamo idzi, nokuti munoziva mumene kuti takagadzirirwa izvozvo.
4
Nokuti tichiri kwamuri takambokuvudzai kuti tichatambudzwa; sezvazvakaitika, nemwi munoziva.
5
Saka inivo, zvandakanga ndisichagoni kutsunga, ndakamutuma kuti ndizive kutenda kwenyu, ndichiti zvimwe muidzi wakakuidzai, izvo zvatakabata zvikava pasina.
6
Asi zvino Timotio wakati asvika kwatiri achangobva kwamuri, akativudza mashoko akanaka okutenda kwenyu norudo rwenyu, uye kuti munongositifunga nomurangariro wakanaka, muchida zvikuru kutivona isu, sesuvo tichida kukuvonai imi;
7
saka, hama dzangu, takanyaradzwa pamusoro penyu pakutambudzika kwedu kose nenhamo nokutenda kwenyu;
8
nokuti zvino isu tinorarama, kana imwi mumire makasimba munaShe.
9
Nokuti tingavonga Mwari neiko pamusoro penyu nomufaro wose watinofara nawo pamberi paMwari wedu nokuda kwenyu,
10
tichingokumbira zvikuru vusiku namasikati kuti tivone chiso chenyu, kuti tizadzise zvakataira pakutenda kwenyu?
11
Zvino iye Mwari, Baba vedu naShe wedu Jesu, ngaaruramisire nzira yedu kwamuri;
12
ishe akukurisei, akuwanzirei rudo pakati penyu nokuna vose, sezvatinoita isu kwamuri,
13
asimbise moyo yenyu kuti ive isina chaingapomerwa pavutsvene pamberi paMwari, Baba vedu, pakuvuya kwaShe wedu Jesu pamwe chete navatsvene vake vose.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5