bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
1 Thessalonians 4
1 Thessalonians 4
Shona 2009?
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 5 →
1
Naizvozvo pakupedzisira, hama dzangu, tinokumbira kwamuri, nokukurairai munaShe Jesu, kuti, sezvamakadzidza kwatiri mutovo wamunofanira kufamba nokufadza Mwari nawo, sezvamunofambavo, kuti muwanze nokuwanzisisa panaizvozvo.
2
Nokuti munoziva mirairo yatakakupai, naShe Jesu.
3
Nokuti kuda kwaMwari ndibwo vutsvene bwenyu, murege vupombwe;
4
kuti mumwe nomumwe wenyu azive kuzviwanira mudziyo wake novutsvene nokukudzwa,
5
asingaiti nokukara kokuchiva, savahedheni, vasingazivi Mwari;
6
munhu ngaarege kuitira hama yake zvakaipa kana kumunyengera pachinhu ichi, nokuti Ishe ndiye mutsivi wezvinhu izvozvo zvose, sezvatakakuvudzaivo nokukupupurirai kwazvo.
7
Nokuti Mwari haana kutidanira tsvina, asi muvutsvene.
8
Naizvozvo unoramba izvozvo, haarambi munhu, asi Mwari, unokupai Mweya wake, iwo Mutsvene.
9
Zvino, kana ruri rudo pakati pehama, hamufaniri kuti munyorerwe, nokuti imwi mumene makadzidziswa naMwari kuti mudane;
10
nokuti ndizvovo zvamunoitira hama dzose dzeMakedhonia, yose asi tinokurairai, hama dzangu, kuti muwanze nokuwanzisisa panaizvozvi;
11
Shingairirai kuva norugare, mumwe nomumwe abate zvake, muchibate basa namavoko enyu, sezvatakakurairai;
12
kuti mufambe nomutovo wakafanira kuna vari kunze, musingashaiwi chinhu.
13
Zvino, hama dzangu, hatidi kuti mushaiwe kuziva pamusoro pavavete, kuti murege kuchema savamwe vasinetariro.
14
Nokuti kana tichitenda kuti Jesu wakafa, akamukazve, saizvozvovo avo vakavata munaJesu, Mwari uchavavuyisa pamwe chete naye.
15
Nokuti tinokuvudzai neshoko raShe, kuti isu vapenyu, vakasara kusvikira pakuvuya kwaShe, hatingatongotangiri vakavata.
16
Nokuti Ishe amene uchaburuka kudenga nokudanidzira, nenzwi romutumwa mukuru, nehwamanda yaMwari; vakafa munaKristu vachatanga kumuka;
17
zvino isu vapenyu, vakasara, tichatorwa pamwe chete navo mumakore, kuti tichingamidze Ishe mudenga; naizvozvo tichava naShe nguva dzose.
18
Naizvozvo nyaradzanai namashoko awa.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5