bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
2 Samuel 16
2 Samuel 16
Shona 2009?
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 17 →
1
Zvino Dhavhidhi wakati apfuura musoro wegomo zvishoma akaona Zibha, muranda waMefibhosheti osangana naye, ane mbongoro mbiri dzakanga dzatakudzwa zvingwa zvina mazana maviri, namasumbu amazambiringa akawomeswa ane zana, nemichero yezhezha ine zana, nehomo yewaini.
2
Mambo akati kuna Zibha, "Unodiniko nezvizvi?" Zibha akati, "Mbongoro ndinopa veimba yamambo kuti vatasve; zvingwa nemichero yezhezha ndizvo zvokudya zvamajaya, newaini kuti vanoziya murenje vamwe."
3
Mambo akati, "Mwanakomana washe wako uripiko?" Zibha akati kuna mambo, "Tarirai, wakasara Jerusaremu, nokuti wakati, `Nhasi imba yaIsiraeri vachandidzosera ushe hwababa vangu.' "
4
Ipapo mambo akati kuna Zibha, "Tarira, zvose zvaMefibhosheti ndezvako." Zibha akati, "Ndinokotamira pasi; ndinzwirei nyasha, ishe wangu mambo."
5
Zvino mambo Dhavhidhi wakati asvika paBhahurimu, mumwe munhu weimba yaSauro, wainzi Shimei, mwanakomana waGera, akabudapo;
6
akabuda, akafamba achingotuka, akaposhera Dhavhidhi namabwe, navaranda vose vamambo Dhavhidhi; zvino vanhu vose navarume vose vesimba vakanga vari kurudyi rwake no kuruboshwe rwake.
7
Shimei akatuka akati, "Chibva, chibva, iwe munhu weropa, iwe munhu wakaisvoipa;
8
Jehovha wakadzosera pamusoro pako ropa rose reimba yaSauro, wawakanga wakabata ushe panzvimbo yake. Jehovha wakapa ushe muruoko rwaAbhusaromu mwanakomana wako; tarira, wabatwa nezvakaipa zvako, nokuti uri munhu weropa."
9
Ipapo Abhishai mwanakomana waZeruya akati kuna mambo, "Imbwa iyi yakafa ingatuka seiko ishe wangu mambo? Nditenderei henyu ndiyambukire mhiri, ndimugure musoro."
10
Mambo akati, "Ndine mhosva yeiko nemi, imwi vana vaZeruya; ngaatuke hake, kana Jehovha achinge ati kwaari, `Tuka Dhavhidhi,' ndianiko ungati, `Waitireiko kudai?' "
11
Dhavhidhi akati kuna Abhishai, nokuvaranda vake vose, "Tarirai, iye mwanakomana wangu wandakabereka, unotsvaka kundiuraya; ndoda zvino muBhenjamini uyu! Muregei, ngaatuke hake, nokuti Jehovha wakamuraira.
12
Zvimwe Jehovha uchaona zvakaipa zvandakaitirwa, zvimwe Jehovha uchandiitira zvakanaka pamusoro pokundituka kwake nhasi."
13
Naizvozvo Dhavhidhi navanhu vake vakaramba vachifamba havo nenzira, Shimei akaramba achifamba nomujinga megomo pakatarisana naDhavhidhi, akafamba achingotuka nokumuposhera namabwe, nokumupfumburira guruva.
14
Mambo navanhu vose vakanga vanaye vakasvika vaneta, vakazororapo.
15
Abhusaromu navanhu vose, ivo varume vaIsiraeri, vakasvika Jerusaremu, Ahitoferi anayewo.
16
Zvino Hushai muAriki, shamwari yaDhavhidhi, wakati asvika kuna Abhusaromu, Hushai akati kuna Abhusaromu, "Mambo ngaararame, mambo ngaararame!"
17
Abhusaromu akati kuna Hushai, "Ndizvo zvakanaka zvaunoitira shamwari yako? Wakaregereiko kuenda neshamwari yako?"
18
Hushai akati kuna Abhusaromu, "Kwete, asi wakatsaurwa naJehovha uye vanhu ava, uye navarume vose vaIsiraeri, ndiye wandichava wake, ndiye wandichagara naye.
19
"Uye ndingafanira kushumira aniko? Handifaniri kushumira mwanakomana wake here? Sezvandakashumira baba venyu, ndichakushumiraiwo imwi saizvozvo."
20
Ipapo Abhusaromu akati kuna Ahitoferi, "Tipei zano rako, tinofanira kuiteiko?"
21
Ahitoferi akati kuna Abhusaromu, "Pindai kuvarongo vababa venyu vavakasiya, kuti vachengete imba; ipapo vaIsiraeri vose vachanzwa kuti mosemwa nababa venyu; ipapo maoko avose vamunavo achasimbiswa."
22
Naizvozvo vakadzikira Abhusaromu tende pamusoro peimba, Abhusaromu akapinda kuvarongo vababa vake vaIsiraeri vose vachizviona.
23
Zvino mano aAhitoferi aakapa mazuva iwayo, akanga akaita samashoko akabvunzwa kuna Mwari; ndizvo zvakanga zvakaita mano aAhitoferi aakapa Dhavhidhi naAbhusaromu vose.
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 17 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24