bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
2 Samuel 7
2 Samuel 7
Shona 2009?
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 8 →
1
Zvino mambo wakati agere mumba make, Jehovha amuzorodza pavavengi vake vose vakanga vakamupoteredza,
2
mambo akati kumuporofita Natani, "Zvino tarira, ini ndigere muimba yomusidhari, asi areka yaMwari igere pakati pemicheka."
3
Natani akati kuna mambo, "Endai, muite henyu zvose zviri mumoyo menyu, nokuti Jehovha anemi."
4
Zvino nousiku uhwo shoko raJehovha rakasvika kuna Natani, richiti,
5
"Enda undoudza muranda wangu Dhavhidhi, uti, `Zvanzi naJehovha: Iwe uchandivakira imba mandingagara here?'
6
Nokuti handina kugara mumba kubva pazuva randakandotora vana vaIsiraeri Ijipiti kusvikira zuva ranhasi, asi ndaifamba mutende nomutabhenakeri.
7
Pose pandakafamba navana vaIsiraeri vose, ndakatongotaura here shoko rimwe kunomumwe wavatongi vaIsiraeri, vandakaraira kufudza vanhu vangu vaIsiraeri, ndichiti `Makaregereiko kundivakira imba yomusidhari?' "
8
Naizvozvo zvino, unofanira kuti kumuranda wangu Dhavhidhi, Zvanzi naJehovha wehondo, "Ndakakutora kumafuro, kwawakanga uchifudza makwai, kuti uve mubati wavanhu vangu vaIsiraeri;
9
ndikava newe pose pawakafamba, ndikaparadza vavengi vako vose pamberi pako; ndichakuitira zita guru, ringafanana namazita avakuru vari panyika.
10
Ndichatarira vanhu vangu vaIsiraeri nzvimbo, ndichavasima, vagare panzvimbo yavo, varege kubviswazve; navakaipa havangavatambudzizve sapakutanga,
11
nokubva pazuva randakaraira vatongi kuti vabate vanhu vangu vaIsiraeri. Asi iwe ndichakuzorodza pavavengi vako vose. Uyezve Jehovha unokuudza kuti Jehovha uchakumisira imba.
12
Kana nguva yako yasvika, iwe ukavata namadzibaba ako, ndichamutsa mumwe worudzi rwako uchakutevera, uchabuda muura mako, ndikasimbisa ushe hwake.
13
Iye uchavakira zita rangu imba, neni ndichasimbisa chigaro chake choushe nokusingaperi.
14
Ini ndichava baba vake, naiye uchava mwanakomana wangu; kana akazoita zvakaipa, ndichamuranga neshamhu yavanhu, uye nokurohwa kwavana vavanhu;
15
asi nyasha dzangu hadzingabvi kwaari, sezvandakadzibvisa kuna Sauro, wandakabvisa pamberi pako.
16
Imba yako noushe hwako zvichasimbiswa pamberi pako nokusingaperi, nechigaro chako choushe chichasimbiswa nokusingaperi."
17
Natani akaudza Dhavhidhi mashoko awa ose, nezvose zvaakanga aratidzwa.
18
Ipapo mambo Dhavhidhi akapinda, akagara pamberi paJehovha, akati, "Jehovha Mwari, ndini aniko, neimba yangu chinyiko, zvamakandisvitsa kusvikira pano?
19
"Asi chinhu ichi chakanga chiri chiduku pamberi penyu, Jehovha Mwari, asi makataurawo pamusoro peimba yomuranda wenyu kusvikira panguva huru inozouya; asi iyi ndiyo tsika yavanhu, Jehovha Mwari!
20
Ko Dhavhidhi ungareveizve kwamuri? Nokuti munoziva henyu muranda wenyu, Jehovha Mwari.
21
"Nokuda kweshoko renyu, uye sezvamakafunga mumoyo menyu, makaita zvinhu izvi zvikuru zvose, kuzvizivisa muranda wenyu.
22
Naizvozvo muri mukuru, Jehovha Mwari, nokuti hakuna mumwe wakafanana nemi, hakuna mumwe Mwari kunze kwenyu, sezvatakanzwa zvose nenzeve dzedu.
23
Rumwe rudzi ruripiko panyika rwakafanana navanhu venyu vaIsiraeri, vakandodzikunurwa naMwari, vave vanhu vake kuti iye akurumbire, uye akuitirei imwi zvinhu zvikuru, nenyika yenyu zvinhu zvinotyisa, pamberi pavanhu venyu, vamakazvidzikunurira paIjipiti, vabve pakati pavahedheni navamwari vavo?
24
"Mukazvisimbisira vanhu venyu vaIsiraeri, kuti vave vanhu venyu nokusingaperi; imwi Jehovha mukava Mwari wavo.
25
"Zvino Jehovha Mwari, shoko ramakataura pamusoro pomuranda wenyu napamusoro peimba yake, murisimbisei henyu nokusingaperi, muite sezvamakataura.
26
Zita renyu ngarikudzwe nokusingaperi, zvichinzi, `Jehovha wehondo ndiMwari waIsiraeri;' imba yomuranda wenyu Dhavhidhi ichasimbiswa pamberi penyu.
27
Nokuti imwi Jehovha wehondo Mwari waIsiraeri, makazivisa muranda wenyu, muchiti, `Ndichakuvakira imba;' naizvozvo muranda wenyu wakatsunga kunyengetera munyengetero uyu kwamuri.
28
"Zvino Jehovha Mwari, ndimi Mwari, uye mashoko enyu ndeechokwadi, makapikira muranda wenyu chinhu ichi chakanaka;
29
naizvozvo zvino chiropafadzai henyu imba yomuranda wenyu, kuti irambe iripo pamberi penyu nokusingaperi, nokuti imwi Jehovha Mwari makataura saizvozvo; imba yomuranda wenyu ngairopafadzwe nokuropafadza kwenyu nokusingaperi."
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24