bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
2 Samuel 9
2 Samuel 9
Shona 2009?
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 10 →
1
Zvino Dhavhidhi wakati, "Kuchinomumwe wakasara weimba yaSauro, wandingaitira zvakanaka nokuda kwaJonatani here?"
2
Zvino kwakanga kuchinomuranda weimba yaSauro wainzi Zibha, vakamudanira kuna Dhavhidhi; mambo akati kwaari, "Ndiwe Zibha here?" Iye akati, "Muranda wenyu ndiye."
3
Mambo akati kwaari, "Hakuchina mumwe weimba yaSauro, wandingaitira kunaka kwaMwari here?" Zibha akati kuna mambo, "Jonatani uchinomwanakomana wakaremara tsoka."
4
Mambo akati kwaari, "Uripi?" Zibha akati kuna mambo, "Tarirai, uri kumba kwaMakiri mwanakomana waAmieri paRhodhebhari."
5
Ipapo mambo Dhavhidhi akatuma nhume kundomutora kumba kwaMakiri mwanakomana waAmieri paRhodhebhari.
6
Naizvozvo Mefibhosheti mwanakomana waJonatani, mwanakomana waSauro, akasvika kuna Dhavhidhi, akawira pasi nechiso chake, akamupfugamira. Dhavhidhi akati, "Mefibhosheti!" Iye akapindura akati, "Tarirai muranda wenyu."
7
Dhavhidhi akati kwaari, "Usatya, nokuti zvirokwazvo ndichakuitira zvakanaka nokuda kwaJonatani baba vako, uye ndichakudzosera nyika yose yababa vako Sauro; iwe uchagara uchidya zvokudya patafura yangu."
8
Iye akamupfugamira akati, "Muranda wenyu chinyiko, zvamakatarira imbwa yakafa seni?"
9
Ipapo mambo akadana Zibha muranda waSauro, akati kwaari, "Zvose zvakanga zviri zvaSauro neimba yake yose, ndakazvipa mwanakomana watenzi wako.
10
Iwe unofanira kumurimira minda, iwe navanakomana vako, navaranda vako, nokukohwa mbesa kuti mwanakomana watenzi wako ave nezvokudya zvaangadya; asi Mefibhosheti mwanakomana watenzi wako, uchagara achidya zvokudya patafura yangu." Zvino Zibha waiva navanakomana vane gumi navashanu navaranda vana makumi maviri.
11
Ipapo Zibha akati kuna mambo, "Muranda wenyu uchaita zvose zvinorairwa muranda wenyu nashe wangu mambo." Mambo akati, "Kana ari Mefibhosheti, iye ucharamba achidya patafura yangu, somumwe wavanakomana vamambo."
12
Zvino Mefibhosheti waiva nomwanakomana muduku, wainzi Mika. Uye vose vakanga vagere mumba maZibha vaiva varanda vaMefibhosheti.
13
Naizvozvo Mefibhosheti wakagara Jerusaremu, nokuti waigara achidya patafura yamambo; wakanga akaremara tsoka dzake dzose.
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24