bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
2 Samuel 22
2 Samuel 22
Shona 2009?
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 23 →
1
Zvino Dhavhidhi wakataura kuna Jehovha mashoko orwiyo urwu nenguva yaakarwirwa naJehovha pamaoko avavengi vake vose, napamaoko aSauro;
2
akati, "Jehovha idombo rangu, nenhare yangu, nomurwiri wangu, iye ndowangu.
3
Mwari idombo rangu, ndichavimba naye; nhovo yangu, norunyanga rwokuponeswa kwangu, shongwe yangu yakakwirira, noutiziro hwangu. Muponesi wangu, anondiponesa pakumanikidzwa.
4
Ndichadana kuna Jehovha, iye anofanira kurumbidzwa; Naizvozvo ndichaponeswa kuna vavengi vangu.
5
"Nokuti mafungu orufu akandikomba, Uye nzizi dzezvakaipa dzakandivhundusa.
6
Mabote aSheori akandisunga, Misungo yorufu yakandiwira.
7
"Pakutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha, Ndakadana kuna Mwari wangu, Akanzwa inzwi rangu ari mutemberi yake; Kuchema kwangu kukasvika munzeve dzake.
8
"Ipapo nyika yakazununguka, ikadedera; Nheyo dzokudenga dzakadengenyeka, Dzikazununguswa, nokuti iye wakanga atsamwa.
9
Utsi hwakakwira hwuchibva mumhino dzake, Uye moto wakabuda mumuromo make, wakaparadza; Mazimbe akabatidzwa nawo.
10
Wakakotamisawo kudenga-denga, akaburuka, Nerima guru rakanga riri pasi petsoka dzake.
11
Wakatasva kerubhu, akabhururuka; Zvirokwazvo, wakaonekwa ari pamapapiro emhepo.
12
Wakazvipoteredza nerima setende, Mvura yakaunganidzwa, nemvumi dzehore dzedenga.
13
Nokupenya, kwakanga kuri pamberi pake, Mazimbe omoto akabatidzwa.
14
Jehovha wakatinhira kudenga, Wokumusoro-soro wakataura nenzwi rake.
15
Wakatuma miseve, akavaparadza; Akatuma mheni, akavavhundusa.
16
Ipapo pasi pegungwa pakaonekwa, Uye nheyo dzenyika dzakaratidzwa pachena, Nokutuka kwaJehovha, Nokufema kwemweya wemhino dzake.
17
"Wakatambanudza ruoko rwake ari kumusoro, akanditora, Akandinyukura pamvura zhinji;
18
Akandirwira pamuvengi wangu ane simba, Nokuna vanondivenga; nokuti vakanga vondikurira.
19
Vakandivinga nezuva renjodzi yangu, Asi Jehovha wakanga ari mutsigiro wangu.
20
Akandibudisira kunzvimbo yakafarikana, Akandirwira, nokuti wakanga achindifarira.
21
"Jehovha wakandiitira zvakaenzana nokururama kwangu, Akandipa mubayiro wakaenzana nokuchena kwamaoko angu.
22
Nokuti ndakachengeta nzira dzaJehovha, Handina kubva kuna Mwari wangu nokunyengera.
23
Nokuti zvose zvaakatonga zvakanga zviri pamberi pangu; Kana zviri zvaakatema, handina kutsauka kwazviri.
24
Ndakanga ndakarurama kwazvo pamberi pake, Ndakazvichengeta pazvakaipa zvangu.
25
Naizvozvo Jehovha wakandiitira zvakaenzana nokururama kwangu, Zvakaenzana nokuchena kwangu pamberi pake.
26
"Ane ngoni, munomuitirawo ngoni; Munhu, wakarurama kwazvo, munomuitirawo zvakarurama;
27
Wakanaka, munomuitirawo zvakanaka; Wakatsauka, munomuitira hasha.
28
Muchaponesa vanhu vanotambudzika, Asi meso enyu anoona vanozvikudza kuti muvaderedze.
29
Nokuti muri mwenje wangu, Jehovha; Jehovha uchavhenekera rima rangu.
30
Nokuti nemwi ndichavamba hondo, Kana ndina Mwari wangu ndichadarika rusvingo.
31
"Kana ari Mwari, nzira yake yakarurama kwazvo; Shoko raJehovha rakaidzwa; Ndiye nhovo yavose vanotenda kwaari.
32
Nokuti ndianiko Mwari, asi iye Jehovha? Ndianiko dombo, asi iye Mwari wedu?
33
Mwari ndiye nhare yangu ine simba; Iye unondifambisa nenzira yakarurama.
34
Unoita tsoka dzangu setsoka dzenondokadzi, Unondiisa pakakwirira.
35
Unodzidzisa maoko angu kurwa; Naizvozvo maoko angu anowembura uta bwendarira.
36
"Makandipawo nhovo yokuponesa kwenyu, Unyoro bwenyu hwakandikurisa.
37
Makandiitira nzvimbo yakafarikana pasi pangu pandingatsika; Tsoka dzangu hadzina kutedzemuka.
38
Ndakateverera vavengi vangu, ndikavaparadza, Handina kudzokazve kusvikira vapedzwa.
39
Ndakavapedza, ndakavabaya, havagoni kumuka; Vakawira pasi petsoka dzangu.
40
Nokuti makandisunga chiwuno nesimba rokurwa naro; Makandikundisa vaindimukira.
41
Makatizisa vavengi vangu, Kuti ndiparadze vanondivenga.
42
Vakatarira, asi kwakanga kusino muponesi, Kuna Jehovha, asi haana kuvapindura.
43
Ipapo ndakavapwanya seguruva renyika; Ndikavatswa samatope enzira dzomumusha, ndikavaparadzira kure.
44
"Makandirwirawo pakukakavadzana kwavanhu vangu, Makandichengeta kuti ndive mukuru wendudzi; Vanhu vandakanga ndisingazivi, vachandishumira.
45
Vatorwa vachanamata kwandiri; Vachateerera pakarepo kana vachindinzwa.
46
Vatorwa vachatorerwa simba, Vachabuda pavaivanda vachidedera.
47
"Jehovha mupenyu; dombo rangu ngarikudzwe; Mwari, dombo rokuponeswa kwangu, ngaarumbidzwe.
48
Ndiye Mwari unonditsivira, Unondikundisa vanhu.
49
Unondibvisa kuvavengi vangu; Zvirokwazvo, munondisimudzira kumusoro kwavanondimukira; Munondirwira pamunhu unondimanikidza.
50
"Naizvozvo ndichakuvongai Jehovha, pakati pendudzi, Ndichakudza zita renyu nenziyo;
51
Unopa mambo wake kuponeswa kukuru; Unoitira muzodzwa wake unyoro, Kuna Dhavhidhi navana vake nokusingaperi."
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 23 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24