bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
2 Samuel 21
2 Samuel 21
Shona 2009?
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 22 →
1
Zvino pamazuva aDhavhidhi kwakanga kune nzara makore matatu akatevedzana; Dhavhidhi akabvunza Jehovha. Jehovha akati, "Imhaka yaSauro neyeimba yake yeropa, nokuti vakauraya vaGibhiyoni."
2
Mambo akadana vaGibhiyoni, akati kwavari; "Zvino vaGibhiyoni vakanga vasi vavana vaIsiraeri, asi ndivo vakanga vasara kuvaAmori, ndivo vakanga vapikirwa navaIsiraeri; asi Sauro wakatsvaka kuvauraya nokushingairira kwake vana vaIsiraeri navaJudha;"
3
Dhavhidhi akati kuva Gibhiyoni, "Ndingakuitirai chinyi? Ndingayananisa neiko, kuti muropafadze nhaka yaJehovha?"
4
VaGibhiyoni vakati kwaari, "Haizi mhosva yesirivha kana yendarama pakati pedu naSauro neimba yake, nesu hatingafaniri kuuraya munhu pakati paIsiraeri." Iye akati, "Chamunoreva ndichakuitirai icho."
5
Ivo vakati kuna mambo, "Iye munhu, wakatipedza, wakatifungira mano akaipa kuti tiparadzwe, tirege kugara panyika yose yalsiraeri,
6
varume vanomwe vavana vake ngavapiwesu, tivasungirire pamberi paJehovha paGibhiya raSauro, mutsaurwa waJehovha." Mambo akati, "Ndichakupai ivo."
7
Asi mambo wakarega Mefibhosheti mwanakomana waJonatani, mwanakomana waSauro, nokuda kokupika kwakanga kuri pakati pavo pamberi paJehovha, pakati paDhavhidhi naJonatani mwanakomana waSauro.
8
Asi mambo wakatora vana vaviri vaRizipa, mukunda waAya, vaakanga aberekera Sauro, Amoni naMefibhosheti, navana vashanu vaMikari mukunda waSauro, vaakanga aberekera Adhirieri mwanakomana waBharizirai muMehorati;
9
akavaisa mumaoko avaGibhiyoni, ivo vakavasungirira pagomo pamberi paJehovha, vakafa vari vanomwe; vakaurawa pamazuva okukohwa, pamazuva okutanga, pakutanga kokukohwa bhari.
10
Zvino Rizipa mukunda waAya wakatora makudza, akazviwarira iwo pamusoro pedombo, kubva pakutanga kokukohwa kusvikira aniwa nemvura yakabva kudenga; haana kutendera shiri dzokudenga kumhara pamusoro pawo masikati, kana zvikara zvesango usiku.
11
Zvino Dhavhidhi akaudzwa zvakanga zvaitwa naRizipa mukunda waAya, murongo waSauro;
12
Dhavhidhi akandotora mapfupa aSauro namapfupa aJonatani mwanakomana wake kuvarume veJabheshiGiriyadhi, vakanga vaaba panzira yeBhetishani, pavakanga vaturikwa navaFirisitia, pazuva rokuurawa kwaSauro navaFirisitia paGiribhoa.
13
Akatorapo mapfupa aSauro namapfupa aJonatani mwanakomana wake, vakaunganidza mapfupa avakanga vaturikwapo.
14
Vakaviga mapfupa aSauro naaJonatani mwanakomana wake panyika yavaBhenjamini paZera, pahwiro hwababa vake; vakaita zvose zvavakanga varairwa namambo. Shure kwaizvozvo Mwari akanzwira nyika tsitsi.
15
Zvino vaFirisitia vakarwazve navaIsiraeri; Dhavhidhi akaburuka navaranda vake kundorwa navaFirisitia; Dhavhidhi akaneta.
16
Zvino Ishibhibhenobhi, mumwe wavanakomana vaRafa, waiva nepfumo rakasvika pamashekeri ana mazana matatu endarira pakurema kwaro, iye wakanga akashonga munondo mutsva, akafunga kuuraya Dhavhidhi.
17
Asi Abhishai mwanakomana waZeruya wakamubatsira, akabaya muFirisitia, akamuuraya. Ipapo varume vaDhavhidhi vakapika kwaari, vakati, "Hamufaniri kuzoendazve nesu kundorwa, kuti murege kuzodzima mwenje waIsiraeri."
18
Zvino shure kwaizvozvo kurwa kwazovapozve navaFirisitia paGobhi; Sibekai, muHushati, akauraya Safi, mumwe wavanakomana vaRafa.
19
Vakarwazve navaFirisitia paGobhi, Erihanani mwanakomana waJaarioregimi weBheterehemu akauraya Goriati muGiti, rwiriko rwepfumo rake rwakaga rwakaita sedanda romuruki.
20
Vakarwazve paGati, paiva nomunhu murefu kwazvo, waiva nemimwe mitanhatu paruoko rumwe norumwe, nezvigumwe zvitanhatu parutsoka rumwe norumwe, zvaisvika makumi maviri nezvina pakuverengwa kwazvo; naiyewo wakanga akaberekerwa Rafa.
21
Zvino wakati achishora vaIsiraeri, Jonatani mwanakomana waShimei, munun'una waDhavhidhi akamuuraya.
22
Ava vana vakanga vakaberekerwa Rafa paGati; vakaurawa naDhavhidhi, uye navaranda vake.
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 22 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24