bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Proverbs 1
Proverbs 1
Shona 2009?
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 2 →
1
Zvirevo zvaSoromoni, mwanakomana waDhavhidhi, mambo waIsiraeri.
2
Kuti vanhu vazive uchenjeri nokurairirwa; Nokunzwisisa mashoko enjere;
3
Varairirwe nzira yokungwara, Neyokururama, nokururamisa, nokutendeka;
4
Vasina mano vapiwe kungwara, Jaya ripiwe zivo nokuchenjera;
5
Kuti wakachenjera anzwe, awedzere kudzidza; Nomunhu wenjere awane mano akanaka.
6
Vanzwisise chirevo nomufananidzo, Mashoko avakachenjera nezvirabwe zvavo.
7
Kutya Jehovha ndiko kuvamba kwezivo; Mapenzi anoshora uchenjeri nokurairirwa.
8
Mwanakomana wangu, inzwa kurairira kwababa vako; Usarasha kudzidzisa kwamai vako.
9
Nokuti zvichava chishongo chakanaka pamusoro wako, Nengetani pamutsipa pako.
10
Mwanakomana wangu, kana vatadzi vachikugombedzera, Usatenda iwe.
11
Kana vachiti, "Hendei tose, Ngatirindire ropa; Ngativandire vasina mhosva kunyange pasina mhaka.
12
Ngativamedze vari vapenyu seSheori, Vari vakukutu saivo vanoburukira kugomba.
13
Tichawana fuma yamarudzi mazhinji; Tichazadza dzimba dzedu nezvatakapamba;
14
Iwe uchava mumwe wedu; Tose tichava nechikwama chimwechete."
15
Mwanakomana wangu, usafamba navo nenzira yavo; Dzora rutsoka rwako panzira yavo;
16
Nokuti tsoka dzavo dzinovangira zvakaipa; Vanokurumidza kudurura ropa.
17
Nokuti mumbure unodzikirwa pasina Shiri dzamarudzi ose dzichizviona.
18
Vanhu ava vanogarira ropa ravo vamene; Vanozvivandira hupenyu hwavo.
19
Ndizvo zvakaitawo nzira dzavose vanokarira fuma; Zvinotorera mwene wazvo upenyu hwake.
20
Uchenjeri hunodanidzira panzira dzomumusha; hunonzwisa inzwi rahwo panzvimbo dzakafara;
21
hunodana panzvimbo panoungana vazhinji; Pavanopinda pamasuo, Paguta, ndipo pahunotaura mashoko ahwo, huchiti,
22
"Nhai imwi vasina mano, muchada kusava namano kusvikira rinhiko? nemwi vaseki kufarira kuseka kwenyu, Namapenzi kuvenga zivo?
23
Dzokai kana muchinzwa kuraira kwangu, Tarirai ndichadurura mweya wangu pamusoro penyu; Ndichakuzivisai mashoko angu.
24
Zvandakadana, imwi mukaramba; Ndikatambanudza ruoko rwangu, kukasava nomunhu akarangarira;
25
Asi makazvidza mano angu ose, Mukaramba chose kuraira kwangu,
26
Naizvozvo neniwo ndichaseka kana mava munhamo yenyu; Ndichakudadirai, kana kutya kwenyu kuchisvika.
27
Kana kutya kwenyu kuchisvika sedutu guru, Nenhamo yenyu ichisvika sechamupupuri; Kana kutambudzika nokudumbirwa zvichikuwirai.
28
Nenguva iyo uchadana kwandiri, asi handingapinduri; Vachanditsvaka zvikuru, asi havangandiwani.
29
Zvavakavenga zivo, Vakasazvitsaurira kutya Jehovha,
30
Vakaramba mano angu ose, Vakashora kuraira kwangu kose,
31
Naizvozvo vachadya zvibereko zvenzira yavo; Vachagutswa namano avo.
32
Nokuti kudzokera shure kwavasina mano kuchavauraya, Kusava nehanya kwamapenzi kuchavaparadza.
33
Asi ani naani anonditeerera achagara zvakasimba, Achagadzikana, asingatyi zvakaipa."
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31