bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Proverbs 6
Proverbs 6
Shona 2009?
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 7 →
1
Mwanakomana wangu, kana uchinge wakazviitira wokwako rubatso, Wazvisunga nokuda komutorwa noruoko rwako,
2
Wazviteya namashoko omuromo wako, Wabatwa namashoko omuromo wako,
3
Zvino ita kudai, mwanakomana wangu, uzvirwire, Zvawabatwa noruoko rwowokwako, Enda, undozvininipisa, ukumbire zvikuru kunowokwako.
4
Usatendera meso ako hope, Kana mafungiro ameso ako kutsumwaira;
5
Uzvirwire semhara paruoko rwomuvhimi, Seshiri paruoko rwomuteyi.
6
Enda kumujuru, iwe simbe; Cherekedza nzira dzawo ugova wakachenjera!
7
Kunyange iwo usina mutongi, Kana mutariri kana mubati,
8
Unogadzira zvokudya zvawo mumunakamwe, Nokuunganidza zvokudya zvawo mukukohwa.
9
Iwe simbe, uchavata pasi kusvikira rinhiko? Uchamuka rinhiko pahope dzako?
10
Kumbovata zvishomanene, kumbotsumwaira zvishomanene, Kumbofungatira maoko zvishomanene, ndizorore;
11
Saizvozvo urombo hwako huchasvika segororo, Nokushaiwa kwako somunhu wakashonga nhumbi dzokurwa.
12
Munhu asina maturo, munhu anoita zvakaipa, Ndiye anofamba nomuromo une nhema;
13
Anobwaira nameso ake, anotendekera netsoka dzake, Anodudzira nemimwe yake;
14
Ane zvisakarurama pamoyo pake, Anosifungira vamwe zvakaipa, Anokusha kupesana.
15
Saka njodzi yake ichamuwira kamwe-kamwe; Achavhuniwa pakarepo, kusina chingamubatsira.
16
Zvinhu zvitanhatu zviriko zvinovengwa naJehovha; Zvirokwazvo, tingati kune zvinomwe, zvinomunyangadza, zvinoti:
17
Meso ounozvikudza, rurimi runoreva nhema, Maoko anodurura ropa risina mhaka;
18
moyo unofunga mano akaipa, Tsoka dzinokurumidza kuvangira zvakashata;
19
Chapupu chinonyengera chinoreva nhema, Uye anokusha kupesana pakati pehama.
20
Mwanakomana wangu, chengeta murayiro wababa vako; Usarasha kudzidzisa kwamai vako.
21
Uzvisungire nguva dzose pamoyo wako; Uzvishonge pamutsipa wako.
22
Kana uchifamba, zvichakutungamirira; Kana uchivata pasi, zvichakurinda; Kana womuka, zvichataurirana newe.
23
Nokuti murayiro ndiwo mwenje; murau ndicho chiedza; Kuraira kokurairirwa inzira youpenyu;
24
Kuti uchengetwe pamukadzi wakaipa, Pakubata kumeso korurimi rwomutorwa.
25
Usachiva kunaka kwake mumoyo mako; Arege kukubata namafungiro ameso ake.
26
Nokuti nokuda kwechifeve munhu angasvikira pakudya chimeduchetechechingwa; Mukadzi womumwe munhu anovhima upenyu hunokosha.
27
Ko munhu ungaisa moto muchipfuva chake, nguvo dzake dzikasatsva here?
28
Kana munhu angatsika mazimbe anopisa, Tsoka dzake dzikasapiswa here?
29
Ndizvo zvakaita munhu anopinda kumukadzi wowokwake; Ani naani anomunyangata iye mukadzi haangaregwi kurohwa.
30
Vanhu havangazvidzi mubi kana achiba Kuti agute kana achinge ane nzara.
31
Asi kana akabatwa anofanira kudzosera zvava zvinomwe; Anofanira kuripa nefuma yose yeimba yake.
32
Anoita upombwe nomukadzi, anoshaiwa njere; Anoda kuparadza upenyu hwake ndiye anoita izvozvo.
33
Uchangozviwanira mavanga nokusakudzwa; Kunyadziswa kwake hakungatongopusikwi.
34
Nokuti godo rinomutsa hasha dzomurume; Haanganzwiri tsitsi pazuva rokutsiva.
35
Haangavi nehanya nomuripo; Haangatendi, kunyange ukamuvigira zvipo zvizhinji.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31