bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Proverbs 22
Proverbs 22
Shona 2009?
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 23 →
1
Zita rakanaka rinofanira kutsanangurwa kupfuura fuma zhinji; Uye kudikamwa kupfuura sirivha nendarama.
2
Vafumi navarombo vanosangana pamwechete; Jehovha ndiye muiti wavo vose.
3
Munhu akangwara anoona zvakaipa, ndokuvanda; Asi vasina mano vanopfuura havo, ndokuwira munjodzi.
4
Mubayiro wokuzvininipisa nokutya Jehovha Ifuma nokukudzwa noupenyu.
5
mhinzwa nemisungo zviri panzira yousakarurama; Asi anochengeta mweya wake achagara kure nazvo.
6
Rovedza mwana nzira yaanofanira kufamba nayo, Ipapo kunyange akwegura haangatsauki pairi.
7
Mufumi anobata ushe pamusoro pomurombo; Anotora chikwereti, muranda, wowakamupa chikwereti.
8
Unodzvara zvakaipa, uchacheka dambudziko; Shamhu yokutsamwa kwake ichanyangarika.
9
Ane moyo munyoro acharopafadzwa; Nokuti anopa varombo zvokudya zvake.
10
Dzinga mudadi, kukakavara kugoendawo; Nenharo nokunyadzwa zvichaguma.
11
Anoda kuchena komoyo, Neane miromo inofadza, mambo achava shamwari yake.
12
Meso aJehovha anochengeta ane zivo; Asi achakonesa mashoko omunhu anonyengedzera.
13
Simbe inoti, "Kune shumba kunze, Ndingaurawa pakati penzira dzomumusha."
14
Muromo wavakadzi vokumwe igomba rakadzika; Anotsamwirwa naJehovha achawiramo.
15
Upenzi hunonamatira mumoyo womwana; Asi shamhu yokurairira ichahudzingira kure naye.
16
Anomanikidza murombo, anomufumisa; Anopa mufumi zvipo, anongomushaisa.
17
Rerekera nzeve yako, unzwe mashoko owakachenjera, moyo wako urangarire zivo yangu.
18
Nokuti chinhu chakanaka, kana uchigara nazvo mukati mako, Ngazvigare pamwechete pamiromo yako.
19
Ndakakuzivisa, iyewe, izvozvo nhasi, Kuti uvimbe naJehovha.
20
Handina kukunyorera mashoko akaisvonaka here, Okurairira nezivo here?
21
Kuti uziviswe kwazvo mashoko ezvokwadi, Kuti udzosere mashoko ezvokwadi kuna vanokutuma here?
22
Usatorera murombo, nokuti murombo; Usamanikidza anotambudzika pasuo;
23
Nokuti Jehovha achavarwira pamhaka dzavo, Nokutadzira upenyu hwavanovatadzira.
24
Usashamwaridzana nomunhu anotsamwa; Usafambidzana nomunhu ane hasha;
25
Kuti urege kudzidza tsika dzake, Uteyire mweya wako musungo.
26
Usava mumwe wavanozvisunga noruoko, Kana vakazviita rubatso nokuda kwechikwereti.
27
Kana usina chaungaripa nacho, Uchagokutorereiko nhovo dzako pasi pako?
28
Usabvisa muganhu wekare, Wakaiswapo namadzibaba ako.
29
Unoona munhu anoshingaira pabasa rake here? Achamira pamberi pamadzimambo; Haangamiri pamberi pavanhu vasingazikamwi.
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 23 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31