bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Proverbs 23
Proverbs 23
Shona 2009?
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 24 →
1
Kana ukagara pakudya pamwe chete nomubati, Cherekedza zvakanaka zviri pamberi pako;
2
Uzvigure huro dzako, Kana uri munhu wamadyo
3
Usapanga zvinozipa zvake, Nokuti zvokudya izvo zvinonyengedzera.
4
Usazvinetsa kuwana fuma; Rega huchenjeri hwako.
5
Unoda kuzvitarira nameso ako? Zvaenda! Nokuti zvirokwazvo fuma inozviitira mapapiro, Segondo rinobhururukira kudenga
6
Usadya zvokudya zvomunhu anoruchiva; Kana kupanga zvinozipa zvake.
7
Nokuti sezvaanofunga mumoyo make, ndozvaakaita; Anoti kwauri, "Chidya, chimwa;", Asi moyo wake haune hanya newe.
8
Musuva wawadya, uchaurutsazve, Ukarashikirwa namashoko ako akanaka.
9
Usataura paunonzwikwa nebenzi; Nokuti richazvidza uchenjeri hwamashoko ako.
10
Usabvisa muganhu wekare; Uye usapinda paminda yenherera;
11
Nokuti Mudzikunuri wavo ane simba; Iye uchavarwira pamhaka dzavo newe.
12
moyo wako ushingaire kudzidziswa, Nenzeve dzako kunzwa mashoko ezivo.
13
Usarega kuranga mwana; Nokuti kunyange ukamurova neshamhu, haangafi.
14
Umurove neshamhu, Ugorwira mweya wake paSheori.
15
Mwanakomana wangu, kana moyo wako wochenjera, Nomoyo wangu uchafarawo.
16
Zvirokwazvo, itsvo dzangu dzichafarisisa, Kana miromo yako ichitaura zvinhu zvakarurama.
17
moyo wako ngaurege kugodora vatadzi; Asi utye Jehovha mazuva ose.
18
Nokuti zvirokwazvo mubayiro uripo; Chawakatarira hachingaparadzwi.
19
Inzwa, iwe mwanakomana wangu, uchenjere, Ururamise moyo wako munzira.
20
Usava pakati pavanokarira waini, Pakati pavanokarira nyama.
21
Nokuti mumwi neane madyo vachava varombo; Hope dzichapfekedza munhu mamvemve.
22
Teerera baba vako vakakubereka; Usazvidza mai vako kana vachembera.
23
Tenga zvokwadi, urege kuzoitengesazve; Uye tenga uchenjeri nedzidzo nenjere.
24
Baba vovakarurama vachafara kwazvo; Uye akabereka mwana akachenjera, achafadzwa naye.
25
Baba vako namai vako ngavafare, Mai vakakubereka ngavafare kwazvo.
26
Mwanakomana wangu, ndipe moyo wako; Meso ako ngaafarire nzira dzangu.
27
Nokuti chifeve igoronga rakadzika; Nomukadzi wokumwe gomba rakamanikana.
28
Zvirokwazvo anovandira segororo; Anowedzera vanyengedzeri pakati pavanhu.
29
Ndiani anoti, "Haiwa!" Ndiani, anoti, "Maiwe! Ndiani anokukakavara? Ndiani anokuchema? Ndiani anemavanga pasina mhaka? Ndiani ane meso akatsvuka?"
30
Ndivo vanogarisa pawaini; Ivo vanondotsvaka waini yavhenganiswa.
31
Usatarira waini kana yakatsvuka, Kana ichivaima mumukombe, Kana ichitapira pakumwiwa.
32
Pakupedzisira inoruma senyoka, Inobaya semvumbi.
33
Meso ako achaona zvisingazikamwi, moyo wako uchabudisa zvisakarurama.
34
Zvirokwazvo uchava somunhu avete pasi mukati megungwa, Kana soavete pamusoro pedanda rechikepe.
35
Uchati, "Vakandirova, asi handina kurwadziwa, Vakandirova, asi handina kuzvinzwa; Ndichapepuka rinhiko? Ipapo ndichandoitsvakazve.
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 24 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31