bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Proverbs 21
Proverbs 21
Shona 2009?
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 22 →
1
Moyo wamambo uri muruoko rwaJehovha sehova dzemvura; Anoufambisa sezvaanoda.
2
Nzira ipi neipi yomunhu anoti yakarurama pakuona kwake; Asi Jehovha anoyera moyo.
3
Kuita zvakarurama nokururamisira Zvinofadza Jehovha kupfuura chibayiro.
4
Kutarira kwamanyawi nomoyo unozvikudza, Icho chiedza chavakaipa, zvivi.
5
Ndangariro dzavashingairi dzinouyisa zvizhinji; Asi ani naani anokurumidzisa anongovangira kushaiwa.
6
Kuunganidza fuma norurimi runoreva nhema Imhute inodzingwa kose-kose navanotsvaka rufu.
7
Kumanikidza kwavakaipa kunovaparadza, Nokuti vanoramba kuita zvakarurama.
8
Nzira yomunhu ane mhosva yakaminama kwazvo; Asi kana ari akachena, kuita kwake kwakarurama.
9
Zviri nani kugara pakona redenga, Pakugara muimba imwe nomukadzi anokakavara.
10
Mweya wowakaipa unoda zvakaipa; Wokwake haawani nyasha kwaari.
11
Kana mudadi achirangwa, asina mano achava nouchenjeri; Kana wakachenjera achidzidziswa, anogamuchira
12
Akarurama anocherekedza imba yowakaipa; Anowisira vakaipa mukuparadzwa.
13
Anodzivira nzeve yake, kuti arege kunzwa kuchema komurombo, Iyewo achachema, asi haanganzwiki.
14
chipo chinopiwa pakavanda, chinonyaradza hasha, Nechipiwa, chiri muchipfuva, kutsamwa kukuru.
15
Kuita zvakarurama ndiwo mufaro kunowakarurama; Asi vaiti vezvakaipa vanoparadzwa nako.
16
Munhu, anotsauka panzira yenjere, achandozorora muungano yavakafa.
17
Anofarira zvinofadza, achava murombo; Anofarira waini namafuta haangafumi.
18
Akaipa idzikunuro yowakarurama; Anoita nokunyengedzera anopinda panzvimbo yowakarurama.
19
Zviri nani kugara murenje, Pakugara nomukadzi anokakavara nowanonetsa.
20
Mumba mowakachenjera mune fuma inokosha namafuta, Asi benzi rinozvipedza.
21
Munhu, anotsvaka kururama nounyoro, Anowana upenyu, nokururama, nokukudzwa.
22
Munhu akachenjera anokwira muguta ravane simba, Achiwisira pasi nhare yavanovimba nayo.
23
Ani naani anochengeta muromo wake norurimi rwake, Anochengeta mweya wake pamatambudziko.
24
Munhu, anozvikudza ana manyawi, mudadi ndiro zita rake; Anoita namanyawi okuzvikudza kwake.
25
Kuda koane usimbe kunomuuraya; Nokuti maoko ake anoramba kubata basa.
26
Zuva rose anoramba achingochiva; Asi akarurama anopa asingarambi.
27
Chibayiro chowakaipa chinonyangadza; Ndoda kana achiuya nazvo kuyananisira zvakaipa.
28
Chapupu chenhema chichaparadzwa; Asi munhu unoteerera, acharamba achitaura.
29
Munhu akaipa ane chiso chisinganyari; Asi kana ari akarurama anogadzira nzira dzake.
30
Hakuna uchenjeri, kana njere, Hakuna mano angakunda Jehovha.
31
Bhiza rinogadzirirwa zuva rokurwa, Asi kukunda kunobva kuna Jehovha.
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 22 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31