bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Amos 2
Amos 2
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 3 →
1
Ɀanzi naJehova: Nemhaka yokuti Moabi ʋakaɗarika katatu, ɀimŋe kanna, handiŋgadzori kurobga kwaʋo; nokuti ʋakapisa mafupa amambo waEdomi kuȿikira aita maɗota.
2
Asi ndicatuma mŋoto kuʋaMoabi, ucapedza dzimba dzoʋushe dzeKerioti; Moabi ʋacafa neɓope nokuɗanidzira ʋuye nokurira kwehwamanda;
3
ndicaparadza ʋatoŋgi pakati paʋo, nokuʋuraya macinda aʋo ose pamŋe cete naʋo — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
4
Ɀanzi naJehova: Nemhaka yokuti Juda ʋakaɗarika katatu, ɀimŋe kanna, handiŋgadzori kurobga kwaʋo; nokuti ʋakaramba murairo waJehova, ʋakasaceŋgeta mitemo yake, ʋakarashiswa nenhema dzaʋo dzakateʋerwa namadziɓaɓa aʋo.
5
Asi ndicatuma mŋoto kunaJuda, ucapedza dzimba dzoʋushe dzeJerusarema.
6
Ɀanzi naJehova: Nemhaka yokuti Israeri ʋakaɗarika katatu, ɀimŋe kanna, handiŋgadzori kurobga kwaʋo; nokuti ʋakateŋgesa ʋakarurama nesirveri, ʋuye unoshaiwa, ʋacipiwa shaŋgu mbiri;
7
ndiʋo ʋanoshuʋa kuʋona guruʋa rapasi pamusoro womurombo, ʋacitsausa nzira yomunhu munyoro; munhu naɓaɓa ʋake ʋacienda ʋose kumusikana mumŋe, kuti ʋamhure zita raŋgu dɀene;
8
ʋanoʋata pasi pamaartari ose paŋguʋo dzakatorwa dziciitwa ruɓatso, ʋanonwa waini yaʋakaripiswa mumba maMŋari waʋo.
9
Kunyaŋge ɀakaɗaro ndakaparadza ʋaAmori pamberi paʋo, iʋo ʋakaŋga ʋakareɓa semisidari, ʋanesimba semiouki; kunyaŋge ɀakaɗaro ndakaparadza ɀiɓereko ɀaʋo kumsoro nemidzi yaʋo pasi.
10
Ndakakuɓuɗisai ʋo munyika yeEgipita, ndikakufambisai murenje makore makumi manna, kuti mundopiwa nyika yaʋaAmori.
11
Ndakamutsa ʋo ʋaprofita pakati paʋanakomana ʋenyu, naʋaNaziri pakati pamajaya enyu. Ha ndiɀo here, imi ʋana ʋaIsraeri?
12
Asi makapa ʋaNaziri waini ʋanwe, nokuraira ʋaprofita, muciti: Regai kuprofita.
13
Tarirai, ndicakutsikirirai pasi, seɀinotsikirira ŋgoro izere nemŋanda.
14
Unomhanyisa ucakoniwa kutiza, unesimba haaŋgasimbisi simba rake, kunyaŋge nemhare haiŋgaɀirwiri.
15
Kunyaŋge unoɓata ʋuta haaŋgamiri, unetsoka dzinomhanyisa haaŋgaɀirwiri; kunyaŋge wakataȿa biza haaŋgarwiri ʋupenyu bgake;
16
unomŋoyo mukuru pakati pemhare ucatiza akashama nezuʋa iro — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
Recommended Reading
Commentary
Amos Commentaries
→
Devotional
Amos Devotional Guide
→
Get This Bible
Doke Study Bible
→