bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Amos 8
Amos 8
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 9 →
1
Heɀi ɀandakaratidzwa naShe Jehova: Tarirai, tswanda ineɀiɓereko ɀezhezha.
2
Akati: Amosi, unoʋoneiko? Ini ndikati: Tswanda ineɀiɓereko ɀezhezha. Ɀino Jehova akati kwandiri: Kuguma kwaȿikira ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri, handicatoŋgoʋaɗariki ɀe.
3
Nziyo dzetembere dzicashanduka kuwuŋgudza nezuʋa iro — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova; ɀitunha ɀicaʋa’po ɀizhinji, ʋacaɀikandira kunze kwose ʋanyerere.
4
Inzwai cinhu ici, iyemi, munoɗa kumedza ʋanoshaiwa, nokuparadza ʋarombo ʋenyika,
5
muciti: Kugara kwomŋedzi kucapfuʋura riniko, kuti titeŋgese ɀiyo? ʋuye saɓata, kuti tizarure matura eɀiyo? ticitapudza efa, nokukurisa shekeri, ticinyeŋgera neɀiyero ɀinonyeŋgera;
6
kuti titeŋge ʋarombo nesirveri, naʋanoshaiwa ticipiwa shaŋgu mbiri, ticiteŋgesa makoto eɀiyo?
7
Jehova wakapika noʋukuru bgaJakobo, aciti: Ɀirokwaɀo, handiŋgatoŋgokaŋganwi rimŋe ramaɓasa aʋo nokusiŋgaperi.
8
Ko nyika haiŋgaɗeɗeri pamsoro pecinhu ici, mumŋe nomumŋe ugere’po haaŋgacemi here? Ɀirokwaɀo, icakwira yose soRwizi, icatutuma ndokuɗerera ɀe, soRwizi rweEgipita.
9
Ɀino nezuʋa iro — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova — ndicaʋirisa zuʋa masikati makuru, ndicaisa rima panyika aciri masikati.
10
Ndicashandura mitambo yenyu kuʋe kucema, nenziyo dzenyu dzose kuʋe kurira kwokucema; ndicafukidza ɀiʋuno ɀose masaga, nokuita misoro yose mhazha; ndicaɀiita sapanocemŋa mŋanakomana wakaɀarwa ari mumŋe cete, nokuguma kwaɀo sezuʋa rakaipa kwaɀo.
11
Tarirai, mazuʋa anoʋuya — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova — andicatuma nzara panyika, isati iri nzara yeɀokudya, kana nyota yemvura, asi yokunzwa mashoko aJehova.
12
Ʋacadzuŋgaira ʋacibva kuguŋgwa ʋacienda kuguŋgwa, ʋacibva kumsoro ʋacienda mabvazuʋa; ʋacamhanya pose‐pose ʋacitȿaka shoko raJehova, asi haʋaŋgariwani.
13
Nezuʋa iro mhandara dzakanaka namajaya ʋacaziya nenyota.
14
Ʋanopika neɀiʋi ɀeSamaria, ʋaciti: Namŋari wako mupenyu, iwe Dani; ʋuye, Nenzira yeBeeri‐sheba mhenyu, iʋo ʋacawira pasi, ʋakasazomuka ɀe.
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9