bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Amos 9
Amos 9
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
1
Ndakaʋona Ishe amire parutiʋi rweartari, akati: Roʋa misoro yembiru, kuti ɀikumbaridzo ɀiɗeɗere, uɀiputsanye pamisoro yaʋo yose; ndicaʋuraya wokupedzisira pakati paʋo nomunondo; hakuna‐nomumŋe waʋo ucatiza, hakuna‐nomumŋe waʋo ucapukunyuka.
2
Kunyaŋge ʋakacera kuȿikira paSheori, ruʋoko rwaŋgu rucandoʋatora’po; kunyaŋge ʋakakwira kuȿikira kuɗeŋga, ndicaʋaɓurusa’po.
3
Kunyaŋge ʋakandoʋanda pamsoro peKarmeri, ndicaʋatȿaka nokuʋabvisa’po; kunyaŋge ʋakaʋanda meso aŋgu pakudzika kweguŋgwa, ndicaraira nyoka kundoʋaruma’po.
4
Kunyaŋge ʋakatapxa naʋaʋeŋgi ʋaʋo, ndicaraira munondo kundoʋaʋuraya’po; ndicarinzira meso aŋgu kwaʋari kuti ndiʋaitire ɀakaipa, ndirege kuʋaitira ɀakanaka.
5
Nokuti Ishe Jehova wehondo ndiye unogunɀa nyika ikanyauka, ʋose ʋagere’mo ʋacacema; icakwira yose soRwizi, icaɗerera ɀe soRwizi rweEgipita;
6
ndiye unoʋaka makamuri ake kuɗeŋga, wakateya ɗeŋga rake panyika; iye unoɗana mvura zhinji yeguŋgwa aciiɗururira panyika pose; Jehova ndiro zita rake.
7
Nhai, imi ʋana ʋaIsraeri, ko hamuzi kwandiri saʋana ʋeEtiopia here? — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Handizi’ni ndakaɓuɗisa Israeri panyika yeEgipita here, naʋaFiristia paKaftori, naʋaSiria paKiri here?
8
Tarirai, meso aShe Jehova anoʋona ʋushe ʋunotadza, ndicaʋuparadza ndiʋubvise panyika pose, asi handiŋgaparadzi cose imba yaJakobo — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
9
Nokuti tarirai, ndicaraira, ndicapepeta imba yaIsraeri pakati pamarudzi ose, seɀinopepetwa ɀiyo mumusero, kunyaŋge ɀakaɗaro tsaŋga imŋe ɗuku‐ɗuku haiŋgawiri pasi.
10
Ʋatadzi ʋose ʋaʋanhu ʋaŋgu ʋacaʋurawa nomunondo, iʋo ʋanoti: Ɀakaipa haɀiŋgatiɓati, haɀiŋgaȿikiri kwatiri.
11
Nezuʋa iro ndicamutsa tabernakeri yaDavidi yakawira pasi, nokudziʋira’po pakakoromorwa; ndicamutsa ɀe matoŋgo ayo, ndicaiʋaka ɀe seɀayakaŋga yakaita pamazuʋa akare;
12
kuti ʋaɀitorere ɀakasara ɀaEdomi, namarudzi ose akatumidzwa nezita raŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova, unoita iɀoɀi.
13
Tarirai, mazuʋa anoʋuya — ndiɀo ɀinotaura Jehova — murimi ucaɓata muceki, nomuȿini wemizambiriŋga ucaɓata unodɀara mbeu; makomo acaɗonha waini inozipa, ʋuye ɀikomo ɀose ɀicanyauka.
14
Ndicadzosa kutapxa kwaʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri, ʋacaʋaka maguta akaparadzwa, ʋacigara’mo; ʋacasima minda yemizambiriŋga, ʋacinwa waini yayo; ʋacarima ʋo mimŋe minda, ʋacidya ɀiɓereko ɀayo.
15
Ndicaʋasima panyika yaʋo, haʋaŋgazodzurwi ɀe panyika yaʋo yandakaʋapa — ndiɀo ɀinotaura Jehova Mŋari wenyu.
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9