bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Amos 5
Amos 5
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 6 →
1
Inzwai shoko iri randinokucemai naro, imi imba yaIsraeri.
2
Mhandara yaIsraeri yawira pasi; haaŋgazomuki ɀe; wawiswa pasi panyika yake, hakuna‐uŋgamumutsa ɀe.
3
Nokuti ɀanzi naShe Jehova: Paimba yaIsraeri guta, rakaɓuɗa kundorwa naʋanecuru camazana, ricasara nezana roga, ʋuye rakaɓuɗa nezana ricasara negumi.
4
Nokuti ɀanzi naShe Jehova kuimba yaIsraeri: Nditȿakei, murarame;
5
asi regai kutȿaka Beti‐eri, kana kupinda Girgari, kana kupfuʋurira Beerisheba; nokuti Girgari ricatapxa ɀirokwaɀo, Beti‐eri ricaroʋa.
6
Tȿakai Jehova, murarame; kuti arege kupfuta paimba yaJosefa somŋoto unopedza ɀose, kukasaʋa nomunhu unoudzima paBeti‐eri.
7
Imi, munoshandura kururamisira mucikuita segaʋakaʋa, muciwisira kururama pasi,
8
tsakai iye, wakaita nyeredzi dzeCimutanhatu nedzeOrioni, unoshandura mumvuri worufu aciuita maŋgwanani, unodzima masikati aciaita ʋusiku, unoɗana mvura yeguŋgwa, ndokuiɗururira panyika (Jehova ndiro zita rake);
9
unoʋuyisira ʋanesimba kuparadza kunokurumidza, kuparadza ndokuwira nhare.
10
Ʋanoʋeŋga unoʋaraira pasuʋo, ʋanosema unotaura ɀakarurama.
11
Ɀino ɀamunotsika murombo pasi, mucitora kwaari muripo weɀiyo, imi makaʋaka dzimba dzamabge akaʋezwa, asi hamuŋgagari’mo, makasima minda yemizambiriŋga inofadza, asi hamuŋganwi waini yayo.
12
Nokuti ndinoziʋa kuti kuɗarika kwenyu kuzhinji, ʋuye kuti ɀiʋi ɀenyu ɀikuru, kwaɀo, iyemi, munomanikidza ʋakarurama, munogamucira fufuro, muciramba unoshaiwa pasuʋo.
13
Saka wakaŋgwara ucanyarara neŋguʋa yakaɗai, nokuti iŋguʋa yakaipa.
14
Tȿakai ɀakanaka, murege kutȿaka ɀakaipa, kuti murarame, ipapo Jehova, Mŋari wehondo ucaʋa nemi, seɀamunoreʋa.
15
Ʋeŋgai ɀakaipa, muɗe ɀakanaka, mururamisire ʋanhu musuʋo; ɀimŋe Jehova, iye Mŋari wehondo, ucanzwira nyasha ʋakasara ʋaJosefa.
16
Naiɀoɀo ɀanzi naJehova, iye Mŋari wehondo, iye Ishe: Kucema kucaʋa’po panzira dzose huru, panzira dzose dzomumusha ʋacati: Maiwe! Maiwe! Ʋacaɗana ʋarimi kuzocema, naʋanoziʋa nziyo dzemariro kuzowuŋgudza.
17
Kuwuŋgudza kucaʋa’po paminda yose yemizambiriŋga; nokuti ndicapfuʋura napakati penyu — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
18
Munenhamo imi munoshuʋa zuʋa raJehova! Zuʋa raJehova munoriɗa neiko? Ricaʋa rima, haciŋgaʋi ciedza.
19
Ɀicaita somunhu unotiza shumba, ndokusoŋgana neɓere; kana sounopinda mumba, akaɓata pamadziro noruʋoko rwake, ndokurumŋa nenyoka.
20
Ko zuʋa raJehova hariŋgaʋi rima, rikarega kuʋa ciedza here? Hariŋgati, Ɀi! kwaɀo, risino‐kupenya here?
21
Ndinoʋeŋga nokuɀidza mitambo yenyu, handiŋgatoŋgofadzwi neʋuŋgano dzenyu dzakatarwa.
22
Ɀirokwaɀo, kunyaŋge mukandiʋigira ɀipiriso ɀenyu ɀinopiswa neɀipiriso ɀoʋupfu, handiŋgaɀigamuciri; handiŋgaʋi nehanya neɀipiriso ɀenyu ɀokuʋoŋga ɀeɀipfuwo ɀenyu ɀakakodzwa.
23
Bvisai pamberi paŋgu ruzha rwenziyo dzenyu, nokuti handiɗi kunzwa kurira kwembira dzenyu.
24
Asi kururamisa ŋgakuyerere semvura, ʋuye kururama sorwizi runoŋgoramba ruciɗira.
25
Nhai imba yaIsraeri, makandiʋigira ɀiɓayiro neɀipo murenje makore anamakumi manna here?
26
Ɀirokwaɀo, makatakura Sikuti mambo wenyu, neKijuni ɀifananidzo ɀenyu, iyo nyeredzi yamŋari wenyu, wamakaɀiitira.
27
Naiɀoɀo ndicakutapisai mberi kweDamasko — ndiɀo ɀinotaura Jehova, unezita rinonzi Mŋari wehondo.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9