bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Amos 3
Amos 3
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 4 →
1
Inzwai shoko iri rakataurwa naJehova pamsoro penyu, imi ʋana ʋaIsraeri, pamsoro porudzi rwose rwandakaɓuɗisa panyika yeEgipita, ndiciti:
2
Ndimi moga ʋandakaziʋa pakati pamarudzi ose enyika; naiɀoɀo ndicakuroʋai pamsoro peɀakaipa ɀenyu ɀose.
3
Ko ʋaʋiri ʋaŋgafamba pamŋe cete ʋasina‐kumbotenderana here?
4
Ko shumba iŋgaʋomba muɗondo isinacayakaruma here? Ko shumba ɗuku iŋgarira muɓako rayo isina‐cayakaɓata here?
5
Ko shiri iŋgawira pasi mumusuŋgo paisina‐kudzikirwa rugombe here? Ko musuŋgo uŋgaurukira kumsoro usina‐cawakaɓata here?
6
Ko hwamanda iŋgaridzwa muguta, ʋanhu ʋakasatya here? Ko guta riŋgawirwa neɀakaipa, Jehova asina‐kuɀiita here?
7
Ɀirokwaɀo, Ishe Jehova haaŋgaiti cinhu, asina‐kumboziʋisa ʋaranda ʋake ʋaprofita ɀakaʋanzika ɀake.
8
Shumba yaʋomba; ndiani uŋgarega kutya? Ishe Jehova wakataura; ndiani uŋgarega kuprofita?
9
Paridzirai mudzimba dzoʋushe paAshdodi, nomudzimba dzoʋushe munyika yeEgipita, muti: Ʋuŋganai pamakomo eSamaria, muʋone ɓope guru riri’po, nokumanikidzwa kuri mukati maro.
10
Nokuti haʋaziʋi kuita ɀakarurama — ndiɀo ɀinotaura Jehova — iʋo ʋanoʋuŋganidza kumanikidza nokupamba mudzimba dzaʋo dzoʋushe.
11
Naiɀoɀo ɀanzi naShe Jehova: Muʋeŋgi uri’po, pose‐pose panyika; iye ucakubvisira simba rako, ʋuye dzimba dzako dzoʋushe dzicapambga.
12
Ɀanzi naJehova: Mufudzi seɀaanobvuta pamuromo weshumba makumbo maʋiri kana cipande cenzeʋe, saiɀoɀo ʋana ʋaIsraeri ʋacabvutwa ʋo, iʋo ʋagere Samaria pamuceto woʋuʋato, ʋuye pamitsamiro yemiceka yesiriki yomubeda.
13
Inzwai, mupupurire imba yaJakobo — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova, Mŋari wehondo.
14
Nokuti nezuʋa randicaroʋa Israeri pamsoro pokuɗarika kwaʋo, ndicaroʋa ʋo maartari eBeti‐eri; nyaŋga dzeartari dzicagurwa nokuwira pasi.
15
Ndicaputsa dzimba dzecando pamŋe cete nedzimba dzezhezha; dzimba dzenyaŋga dzenzou dzicaparadzwa, ʋuye dzimba huru dzicapera — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
Recommended Reading
Commentary
Amos Commentaries
→
Devotional
Amos Devotional Guide
→
Get This Bible
Doke Study Bible
→